Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chekunyoresa Chinopera Paine Kunyunyuta


Chirongwa cheZimbabwe Electoral Commission, ZEC, chekunyoresa vanhu kuti vazokwanisa kuvhota chakapera neSvondo paine kunyunyuta nekushoropodzwa kwemafambisirwo achakaitwa.

Veruzhinji munzvimbo dzakawanda dzenyika vanonzi havana kukwanisa kunyoresa, kanawo kutora zvitupa pamazuva akanga atarwa neZEC kuti iite chirongwa ichi.

Vamwe vanhuwo pamwe nemamwe mapato ezvematongerwo enyika nemasangano akazvimirira vanopomerawo ZEC mhosva yekusashambadza zvakakwana, izvo zvakaita kuti vazhinji vasaziva nezvechirongwa ichi.

Svondo rapera sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vakazivisa kuti komisheni yavo ichatanga chimwe chirongwa chichapa mukana kumunhu wese mumawadhi ose emunyika chekuti akwanise kunyoresa.

Asi chirongwa ichi chinonzi chinoda mari inoita mamiriyoni makumi maviri nerimwe emadhora kuti chibudirire.

Sachigaro webhodhi reZimbabwe Election Support Network, ZESN, Doctor Reverend Solomon Zwana, vanoti sangano ravo rinofara zvikuru kuti chirongwa ichi chakaitwa, asi riri kukurudzira kuti chiitwe zvakare paine kushambadza kwakakwana, kwete zvakaitwa pane chiri kubva kupera ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC T, VaSesil Zvidzai, vatsinhirawo mashoko aReverend Zwana vachiti chirongwa ichi chinofanirwa kuitwa patsva sezvo chisina kufamba zvakanaka.

Vatiwo pamari yakapiwa ZEC pamwe nehofisi yamabharani mukuru nebazi rezvemari, iyo inosvika mamiriyoni mashanu, boka iri raitarisirwa kunyoresa vanhu vanodarika mazana maviri ezviuru evanhu risati ratanga kutsvaga imwe mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo rakagutsikana nebasa rakaitwa neZEC pachitariswa matambudziko emari aitarisana nesangano iri.

VaGumbo vanoti ZEC haifanirwi kutanga chimwe chirongwa chitsva, asi kuti inofanirwa kungowedzera chapera ichi nemasvondo maviri kana matatu, sezvo hurumende isina mari inodiwa yekuita chirongwa ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG