Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoita Musangano Wekusunga Mitemo yeHurumende Ichatevera


MDC T inonti mitemo yaichasunga ndiyo ichave mwenje uchateverwa nebato iri kana richinge rakunda musarudzo
MDC T inonti mitemo yaichasunga ndiyo ichave mwenje uchateverwa nebato iri kana richinge rakunda musarudzo
Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai riri kutarisirwa kutanga neChishanu muHarare musangano wemazuva matatu wekuronga mitemo yarichatevera mumazuva aro zana ekutanga raumba hurumende kana richinge rakunda musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

Mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, vati bato ravo richakurukura pamwe nekusunga mitemo yakawanda, inosanganisira wezvemabasa, dzidzo pachena, zveupfumi, yezvevhu, ine chekuita nekodzero dzevanhu, nemimwe yawakanda, iyo ichavatungamira mukufambisa basa muhurumende yavo itsva.

Mutungamiri webato iri VaTsvangirai vari kutarisirwawo kutaura pamusangano uyu, uye mharidzo yavo inenge yakanangana nenyaya dzine chekuita nehurombo, kuwaniswa kwemabasa uye kuparara kweupfumi.

Vanotarisirwa kubatawo nyaya dzezvikwereti zvenyika, minda nekurima, pamwe nenyaya dzine chekuita nebumbiro remitemo idzva.

Musangano uyu uri kuuya panguva iyo nyika yakatarisana nesarudzo idzo dzisati dzatarwa zuva rekuti dziitwe, painewo kusawirirana muhurumende yemubatanidzwa pamusoro penyaya iyi.

Gore rapera, MDC T yakaparura humwe hurongwa hwayo hunokurudzira nyaya dzeupfumi nemabasa hwe “Jobs, Upliftment, Investment, Capital and Environment, kana kuti JUICE”.

VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakatokoka kare mapato ekunze, zvikuru emuAfrica avanodyidzana nawo, pamwe nevemasangano akazvimirira vemunyika.

Vatiwo mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe akasunungukawo kupinda mumusangano wavo kuitira kuti aone mafambisirwo anoitwa nyaya dzegutsaruzhinji.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Asi mutewedzeri wemukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaPsychology Maziwisa, vati havaoni MDC T iine zvine musoro zvainobuda nazvo pamusangano uyu.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG