WASHINGTON DC —
Muimbi ane mukurumbira, Thomas Tafirenyika ‘Mukanya’ Mapfumo, anoti kusainwa kwaitwa bhiri rebumbiro idzva remitemo yenyika nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, chinhu chakanaka chose, kana chete bumbiro iri richizobatsira vanhu vari kutambura pane ino nguva.
Achitaura ari kuOregon muno muAmerica neChitatu asati asimuka kuenda kuLondon kwaari kutarisirwa kuridza kubva nemusi weChishanu svondo rino, Mapfumo anoti Zimbabwe yaurayiwa zvikuru nenyaya dzehuwori.
Atiwo haaoni sekunge nyika yakagadzirira kuita sarudzo dzisina mutauro, sezvo zvimwe zvezvakakonzera kunetsana musarudzo dza 2008 zvisati zvagadziriswa.
Mumiriri wekambani iri kuronga nezverwendo rwa ‘Mukanya’ urwu, yeAfrostars Family, VaTomson Chauke, vanoti vakagadzirira zvikuru nezverwendo urwu.
VaChauke vanoti neChishanu Mapfumo achatanga kutandadza vanhu pa The Coronet, kuLeicester; neMugovera anenge ave paStarlite De Venue kuChester, ozonoridza kuChester Rugby Club kuSlough nemusi weSvondo.
MeMuvhuro Mapfumo achiridzawo nemuimbi wechidiki, Nox Guni.