Accessibility links

Breaking News

Nyika Gumi neImwe muAfrica Dzozeya Zvinobata Vashandi


Vamiriri venyika gumi neimwe dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe, vari kusangana kwemazuva mashanu muHarare vachipana mazano munyaya dzevashandi, kufambiswa kwemashoko, nezvimwe zvinotarisirwa kusimudzira mashandirwo munyika idzi.

Musangano uyu wakatanga neMuvhuro kumahofisi esangano remubatanidzwa mune zvemabasa, reAfrican Regional Labour Adminstration Centre, ARLAC, ari muHarare. Aka ndekekutanga kuti sangano iri rite musangano wakadai.

Vakaparura musangano uyu igurukota rezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, uye vari sachigaro wesangano iri, Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya.

Amai Mpariwa Gwanyanya vanoti misangano yadai inobatsira Zimbabwe pamwe nedzimwe nyika dzemuAfrica mukuzivisana nezvehunyanzvi hunogona kuwanikwa muAfrica pasati patsvagwa vanobva kunze, uye kuonesana zvinokwanisa kuita kuti nyaya dzemabasa dzifambire mberi kuburikudza nekubatwa zvakanaka kwevashandi.

Vamiriri venyika dziri kupinda musangano uyu vanosanganisira vanobva kuZimbabwe, Kenya, Malawi, Nigeria, Ethiopia, South Africa neZambia, pamwe nevashandi nevashandirwi vanobvawo munyika idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG