WASHINGTON DC —
Vatungamiri vemachechi muHarare vanodarika zana vasangana nevamiriri veZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti vakurudzirane kukosha kwakaita kunyoresa kuitira kuti vanhu vazokwanisa kuvhota musarudzo dzinotarisirwa kuitwa gore rino.
Musangano uyu unonzi wadaidzirwa nemubatanidzwa wemachechi weEvangelical Fellowship of Zimbabwe nechinangwa chekuonesana kukosha kwakaita makereke munyika, pamwe nezvaanokwanisawo kuita muzvirongwa zvakadai sechekunyoreswa kwevanhu kuti vagozovhota.
Mapoka akawanda ari kuchemachema kuti chirongwa cheZEC ichi hachisi kufambiswa zvakanaka, uye vanhu vakawanda vanonzi vari kutadza kunyoresa nekuda kwezvinonzi zviri kudiwa, izvo zvave kuita kuti vanhu vakurudzire komisheni yeZEC kuti iwedzere mazuva echirongwa ichi.
Sachigaro weZEC, Justice Rita Makarau, vanonzi naivowo vakashushikana zvikuru nekunonoka kufamba kwechirongwa chiripo ichi, izvo zvinonzi vakati boka ravo ringangoparura chimwe chirongwa chekunyoreswa kwevanhu.
ZEC inonzi iri kutarisirwa kusangana neChishanu svondo rino kuti ironge nezvechirongwa chitsva chekutsiva chiripo ichi kana chapera nemusi wa 19 Chivabvu.
Bishop Ancelimo Magaya, vanowe mukuru wesangano reZimbabwe Devine Destiny, uye vapindawo musangano uyu, vanoti vemachechi vakurudzirawo ZEC kuti ishambadze zvakakwana chirongwa ichi, sezvo vanhu vakawanda vari kusarira shure nekusaziva zviri kuitika.