Kanzuru yakapa basa iri kukambani yeWell Cash mushure mekukundikana kuwana mari dzayo dzinodarika mamiriyoni mazana mashanu emadhora iri mumapazi ehurumende, makambani pamwe nevagari.
Gurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa, VaMalusi Gigaba, vakurudzira masangano akazvimirira kuti ashande pamwe nehurumende yavo mukuona kuti nyaya yekupinda kwevanhu munyika iyi yabatwa nemazvo.
China yakazivisa kuti ichatora danho rekumisa kutengeswa kwenyanga idzi zvishoma nezvishoma, ichitanga nekutora matanho munaKurume wegore rino.
Mutemo weStatutory Instrument 64 uyu unorambidza kupinzwa munyika kwezvigadzirwa zvinobva kunze.
Pari zvino pane mibatanidzwa yemapato ingada kusvika mitatu kana mina inosanganisira weCoalition of Democrats, national Electoral Reform Agenda (NERA), neNational Transitional Authority.
MuZimbabwe chete vana vanodarika zviuru makumi matatu vanonzi vakatarisana nedambudziko rekushaiwa zvekudya zvinovaka muviri.
VaChideme vanoti kanzuru inoda mari iri muvagari iyi zvakanyanya kuitira kuti ikwanisewo kufambisa mabasa ayo akafanana nekutakura marara nezvimwe.
PTUZ inoti hurumende haina zvayakazivisa pamusoro pevarairidzi vachadzidzisa zvidzidzo zvitsva izvi, zvichireva kuti varairidzi vari kudzidzisa History pari zvino ndivo vanenge votakuriswa mutoro uyu.
VaMambeu vanoti kunyange hazvo nyaya ichiri mumaoko emapurisa, vanofunga kuti kurwiswa uku kune chekuita nezvematongerwo enyika kuburikidza nebasa rinoitwa naAdvocate Shumba rekurwira kodzero dzevana veZimbabwe.
Muzori, uyo anoimba pamwe nekuridza magatare, anoti akangozvarwa aine chipo chake chekuimba asi chakazobuda mugore ra2012 paakaumba chikwata chake.
Dambudziko remari munyika rinonzi riri kuramba richitowedzera panguva iyo vanhu vari kuda mari dzavo kuti vakwanise kufamba kana kutenga zvavanoda zvekupedzisira vasati vapinda muzororo reKisimusi.
Nyaya yekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vabvumidzwe kuvhota vari munyika dzavari yanetsa zvikuru, uye yaunza mutauro pakati pemapoka akasiyanasiyana.
Izvi zvinotevera sarudzo dzekudoma vanhu vaizosarudza mutungmiri wenyika ava dzakaitwa nezvizvarwa zveAmerica muna Mbudzi mumatunhu ose enyika aizokwikwidza akamirira bato ravo.
Pave nemaonero akasiyanasiyana pamusoro pechirongwa chebazi rezvedzidzo yepasi chekuti vana vanofanirwa kuenda kufomu yekutanga vave kufanirwa kutsvaga nzvimbo yechikoro vachishandisa dandemutande, kana kuti indaneti.
Izvi zvinotevera mashoko echenjedzo apiwa neboka rezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department ekuti mvura inogona kukonzera mafashamu icharamba ichinaya munyika yose kubva musi wa 14 Zvita kusvika musi wa 22 Zvita.
Izvi zvinotevera musangano wenational council yebato ravo waitwa muHarare pamwe nemumwe wenational executive wakaitwa neMuvhuro, iyo yaitarisa nezvenyaya huru mbiri idzi.
Vatatu vanenge vabudirira ndivo vanozoendeswa kumutungamiri wenyika, uyo anozodoma mumwechete anenge abudirira.
Zimbabwe iri kubatana nepasi rose neMugovera mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, re Human Rights Day.
Rodhai zvimwe