Accessibility links

Breaking News

Muimbi weSungura Rashied Muzori Anoti Akapakata Zvakawanda


Muimbi wemusambo wesungura Rashied Knowledge Muzori
Muimbi wemusambo wesungura Rashied Knowledge Muzori

Muimbi wesungura ari kusimukira Rashied Knowledge Muzori uyo anotungamira chikwata cheZisengwe Express anoti auya zvachose uye achazadzisa chishuwo chake chekutandadza vanhu nemusambo wake wesungura.

Muzori, uyo anoimba pamwe nekuridza magatare, anoti akangozvarwa aine chipo chake chekuimba asi chakazobuda mugore ra2012 paakaumba chikwata chake.

Muzori akaberekerwa kuUzumba mudunhu reMashonaland East, uye kusvika pari zvino ave nemadambarefu maviri anoti, Ndinobvuma naNdikoshese.

Muimbi wechidiki uyu anoti akasarudza kupa chikwata chake zita rekuti Zisenge Express nekuti iye nevamwe vake vakatakura zvakawanda zvavachapakurira vatsigiri vavo.

Hurukuro naRashied Knowledge Muzori
please wait

No media source currently available

0:00 0:10:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG