Nekuona kukura kwedambudziko rekushaikwa kwechikafu chinovaka muviri yevana, hurumende yeBritain neMuvhuro yakapa mari inoita mamiriyoni makumi maviri emadhora kusangano reUNICEF kuti ishandiswe mukurwisana nedambudziko iri munyika ina dziri kuchamhembe kweAfrica.
Mari iyi yakasvitswa kusangano reUNICEF kuburikidza nesangano reBritain rinopa rubatsiro, reUK Department of International Development, uye inonzi ichapiwa kunyika dzinoti Zimbabwe, Malawi, Madagascar neMozambique.
MuZimbabwe chete vana vanodarika zviuru makumi matatu vanonzi vakatarisana nedambudziko rekushaiwa zvekudya zvinovaka muviri.
Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reWorld Vision mudunhu reunited Kingdom, VaHenry Makiwa vanoti rubatsiro urwu rwakakosha zvikuru sezvo rwauya panguva yakakodzera.
VaMakiwa vanoti Zimbabwe ino tarisirwa kuti ichashandisa mari iyi kuzvinhu zvakaita sehutano hwevana, pamwe nechikafu, sezvo zviri zvimwe zvenhu zvakanyanya kukosha muhupenyu hwevana.