Vanorwira kuchengetedzwa kwemhuka, Vajohnny Rodrigues vesangano reZimbabwe Conservation Task Force vanoti vanotambira nemufaro danho rakatorwa nenyika yeChina rekumisa kutengeswa kwenyanga dzenzou nezvipembere panopera gore rino ra2017.
VaRodrigues vanoti danho iri rakabudirira richabatsira kuchengetedza nzou nezvipembere zvemunyika, izvo zvichazoita kuti nyika iwane mari kuburikidza nekushanyirwa.
China yakazivisa kuti ichatora danho rekumisa kutengeswa kwenyanga idzi zvishoma nezvishoma, ichitanga nekutora matanho munaKurume wegore rino.
Nyika iyi inotiwo vanochengetedza mitemo vacharamba vachitora matanho ekuona kuti mwena yose inopinza pamwe nekutengesa nyanga zvisiri pamutemo yavharwa.
Nyika iyi ndiyo huru pamisika yose yepasi rino inotenga pamwe nekutengesa nyanga dzenzou nezvipembere.
Dzimwe nyika dzinotenga nyanga idzi nekutengesa iJapan neVietnam, idzo dzisati dzazivisawo padzimire.
Zimbabwe iri kurwisa kuti ibvumidzwe neConvention on International Trade in Endangered Species of Wild Fauna and Flora (CITES) kutengese nyanga dzayo dzinorema matani 96,000 uye dzichikosha mari inoita $10 billion.
Asi CITES yaikurudzira kuti Zimbabwe ipise nyanga dzayo, sezviri kuitwa nedzimwe nyika dzakaita seKenya senzira yekumisa kuurayiwa kwenzou nezvipembere.