Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoshandisa Vanoronda Zvikwereti Kuti Iwane Mari Dzayo Dziri muVanhu neMakambani


Kanzuru yeHarare Inoti iri kutadza kutakura marara nekuda kwekushaiwa mari
Kanzuru yeHarare Inoti iri kutadza kutakura marara nekuda kwekushaiwa mari

Kanzuru yeguta reHarare inoti yave kushandisa makambani anoronda zvikwereti mukuedza kwayo kuti iwane mari dzayo dzezvikwereti dziri muvagari, makambani, pamwe nemapazi ehurumende dzinoda kusvika kumamiriyoni mazana matanhatu emadhora.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti nzira yekuronda nayo zvikwereti yavari kushandisa iyi inenge iri kuvashandira sezvo vagari vave kuenda kukanzuru kunokumbira kuti vaite hurongwa hwekubhadhara, vamwewo vachibva vatobhadhara zvikwereti zvavo zvose.

VaChideme vanoti kanzuru inoda mari iri muvagari iyi zvakanyanya kuitira kuti ikwanisewo kufambisa mabasa ayo akafanana nekutakura marara nezvimwe.

"Basa rekanzuru rinoshanda nekunge vanhu vabhadhara zvikwereti zvavo. Kana vanhu vakasabhadhara kanzuru haikwanise kuita basa," VaChideme vanodaro.

Vanoti vanhu vakasununguka kushandisa chero mari dzavanenge vainadzo mukubhadhara zvikwereti zvavo, kusanganisirisa ma bond note achangobva kuparurwa."

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG