Accessibility links

Breaking News

Vamwe Votaura Pamusoro peKuwanda kweMapato Anopikisa, Mibatanidzwa


Mubatanidzwa weNERA unonzi wakananga nekurwisana nekuvandudzwa kwebumbiro remitemo ine chekuita nesarudzo.
Mubatanidzwa weNERA unonzi wakananga nekurwisana nekuvandudzwa kwebumbiro remitemo ine chekuita nesarudzo.

Mapato ezvematongerwo enyika matsva ari kuramba achiparurwa muZimbabwe panguva imwecheteyo mamwe mapato anopikisa hurumende yeZanu PF ari kuumba mibatanidzwa yekuti arwisane neZanu PF musarudzo dza 2018.

Pari zvino pane mibatanidzwa yemapato ingada kusvika mitatu kana mina inosanganisira weCoalition of Democrats, national Electoral Reform Agenda (NERA), neNational Transitional Authority.

Mamwe mapato ezvematongerwo enyika akatobuda pachena kuti haasi kuzofa akabatana nemamwe mapato asina maonero akafanana neawo, kusanganisira bato reNCA, iro rakatozivisa kare kuti harisi kuzopinda mune mune chero mubatanidzwa.

MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai nderimwe bato rakazivisawo kare nezvarinoda mumubatanidzwa, uye varinoda kushanda navo.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kuwanda kwemibatanidzwa mucherechedzo wekuti mapato anopikisa muZimbabwe haasati azvipira kushanda pamwechete.

Vanoti izvi zvinoonekwa nekusawirirana kwevatungamiri vemapato aya kunenge kusineyi nezvematongerwo enyika.

Mutauriri werimwe remapato anopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe riri mumubatanidzwa weCODE, VaPishai Muchauraya vanoti kuve nemapato akawanda munyika hakuna kushata sezvo zvichibvumidzwa nebumbiro remitemo.

Asi VaMuchauraya vanoti chakakosha chete ndechekuti mapato aya anokwanisa here kuwana vanhu vanoatsigira zvekuti anozokwanisa kubvisa hutongi hweZanu PF.

Vanoti izvi ndizvo zvinozoita kuti vatsigire pfungwa yekuuba mubatanidzwa wemapato anenge aine pfungwa dzinopindirana.

Asi mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa vanoti bato ravo rakagara rakaramba kupinda mumibatanidzwa sezvo vakagara vasingawirirane nebumbiro remitemo idzva, iro vanoti rakashata uye rinopa masimba akawandisa kumutungamiri wenyika.

VaChivasa vanoti mamwe mapato anopikisa haasati amboshoropodza bumbiro remitemo iri kuti rakashata, nekuti ndiwo akarinyora pamwechete neZanu PF munguva yehurumende yemubatanidzwa.

Hurukuro naVaMadock Chivasa naVaPishai Muchauraya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG