Accessibility links

Breaking News

Chingwa Chotarisirwa Kuwedzerwa Mutengo Apo Hurumende Yorambidza Kupinzwa muNyika kweGorosi Rakagayiwa


Chingwa chinonzi chinogona kukwira mutengo kana kushaikwa munyika
Chingwa chinonzi chinogona kukwira mutengo kana kushaikwa munyika

Sangano revanogaya upfu reGrain Millers Association rinoti rinotambira nemufaro kutanga kushanda kwemutemo unorambidza kupinzwa munyika kwegorosi rakagayiwa, uyo wakatanga kushanda neSvondo pasi peStatutory Instrument 64.

Mutemo uyu unorambidza kupinzwa munyika kwezvigadzirwa zvinobva kunze.

Sachigaro wesangano iri, VaTafadzwa Musarara vanoti nhengo dzavo dzanga dzoburitswa mubhizinesi nekuda kwefurawu yanga ichipinda munyika ichibva kunyika dzakaita seMozambique, iyo vanoti hairimi gorosi asi yanga ichitengesera Zimbabwe furawu yekubika chingwa.

hurukuro naVatafadzwa Musarara
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanobika chingwa vanonzi vave kutochema-chema nemutemo uyu vachiti uchakonzera kuti mutengo wefurawu ukwire munyika.

Zvinonzi vanogaya upfu vakatokwidza mutengo wefurawu uyu nechekare kubva pamadhora makumi maviri nemanomwe kuenda kumadhora makumi matatu nemavir patsaga rinorema makirogiramu makumi mashanu.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti danho rehurumende rekurambidza kupinzwa munyika kwegorosi rakagayiwa richatoita kuti mutengo wechingwa ukwire uye kuti chingwa chishaikwe.

Doctor Chitambara vanoti hurumende yaifanirwa kukwidza mutengo wekupinza zvinhu munyika, izvo zvaizoipawo zvakare mari panguva imwechete vanhu vachiwana furawu yechingwa munyika.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG