Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vonetseka neChirongwa Chekunyoresa Vana Muzvikoro Vachishandisa Indaneti


Zimbabwe School Children
Zimbabwe School Children

Pave nemaonero akasiyanasiyana pamusoro pechirongwa chebazi rezvedzidzo yepasi chekuti vana vanofanirwa kuenda kufomu yekutanga vave kufanirwa kutsvaga nzvimbo yechikoro vachishandisa dandemutande, kana kuti indaneti.

Pave nemaonero akasiyanasiyana pamusoro pechirongwa chebazi rezvedzidzo yepasi chekuti vana vanofanirwa kuenda kufomu yekutanga vave kufanirwa kutsvaga nzvimbo yechikoro vachishandisa dandemutande, kana kuti indaneti.

Danho iri rinoreva kuti zvekufambira muzvikoro vachitsvaga nzvimbo dzevana vavo hazvichadikwi.

Vamwe vabereki pamwe nemasangano anomirira varairidzi vari kushoropodza chirongwa che Electronic Minisrty Application Platform, kana kuti eMap ichi, icho chakaparurwa gore rino negurukota rezvedzidzo yepasi, VaLazarus Dokora, vachiti hachina kushambadzwa zvakakwana.

Vari kushoropodza chirongwa ichi vanotiwo chinosiya kunze vana vari kumaruwa kusina mukana wekushandisa dandemutande.

Asi vari kutsigira chirongwa ichi vanoti chinorerutsira vabereki nevana nekuti vanenge vasisapedzi nguva nemari vachipinda muzvikoro vachitsvaga nzvimbo.

Vanoti chimwe chinobatsira pachirongwa ichi ndechekuti chinovhara huwori hunonzi hwanga huchiitwa nezvimwe zvikoro kuti mwana awane nzvimbo yeForm One.

Chirongwa ichi chinopa mukana wekuti mwana atsvage nzvimbo kuzvikoro zvitatu zvaanoda.

Pazvikoro zvitatu izvi, chimwe chete ndicho chinozomupindura chichimupa nzvimbo, zvichienderana nekuti zvikoro zvacho zvinenge zvichitarisireyi kubva kumwana.

Asi mumazuva matatu adarika, zvinonzi dandemutande rekupinda muchirongwa ichi harisi kuwanikwa, izvo zvinonzi zviri kupa dambudziko kune vana nevabereki vanga vasati vanyoresa.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reZimbabwe Democratic Teachers Union, VaGeorge Mushipe, vanoti sangano ravo harina kupihwawo mukana wekuisawo pfungwa dzaro muhuruongwa uhwu.

Hurukuro naVaGeorge Mushipe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG