Accessibility links

Breaking News

Harare Residents Trust Yoshushikana neKutyisidzirwa kweVagari Vane Zvikwereti


Kanzuru yeHarare
Kanzuru yeHarare

Sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust rinoti harisi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yeguta reHarare rekushandisa kambani yeWell Cash mukutevera zvikwereti zviri muvagari.

Kanzuru yakapa basa iri kukambani yeWell Cash mushure mekukundikana kuwana mari dzayo dzinodarika mamiriyoni mazana mashanu emadhora iri mumapazi ehurumende, makambani pamwe nevagari.

Sachigaro webhodhi reHarare Residents Trust, VaRobert Mazula, vanoti danho iri riri kutyisidzira vagari uye kuti kanzuru haisi kunzwisisawo matambudziko akatarisana nevagari.

Vanotiwo iyo kanzuru pachayo haisi kukwanisa kuwanisa vagari zvainofanirwa kunge ichivawanisa zvakaita semvura yakachena, kutakurwa kwemarara uye kufambiswa zvakanaka kwepombi dzinotakura tsvina.

Kambani yeWell Cash inonzi iri kupa vagari maawa makumi mana nemasere ekuti vange vabhhadhara zvikwereti zvavo kukanzuru, kukundikana kwavo votorerwa midziyo kana kuendeswa kujeri kana vasina midziyo inoenderana nezvikwereti zvavo.

Hurukuro naVaRobert Mazula
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG