Accessibility links

Breaking News

South Yoyambira Vasina Magwaro Kuti Vachatorerwa Matanho


Mumwe murume wekuZimbabwe achimhanya kuyambuka muganhu zvisiri pamutemo kupinda muSouth Africa
Mumwe murume wekuZimbabwe achimhanya kuyambuka muganhu zvisiri pamutemo kupinda muSouth Africa

Gurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa, VaMalusi Gigaba, vakurudzira masangano akazvimirira kuti ashande pamwe nehurumende yavo mukuona kuti nyaya yekupinda kwevanhu munyika iyi yabatwa nemazvo.

Hurumende yeSouth Africa yayambira zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvisina magwaro ekugara munyika iyi zviri kudzoka munyika iyi kuti zvigadzirire kusungwa pazvinongopinda munyika iyi.

Danho iri rinotevera kusungwa kwezvizvarwa zveZimbabwe gumi nezvina zvakawanikwa zviri mumotokari yaive nevanhu makumi matatu nemumwe asi iyo ichifanirwa kutakura vanhu gumi nevashanu chete yaipinda muSouth Africa.

Gurukota rezvemukati menyika iyi, VaMalusi Gigaba, vakurudzira masangano akazvimirira kuti ashande pamwe nehurumende yavo mukuona kuti nyaya yekupinda kwevanhu munyika iyi yabatwa nemazvo.

Nekuoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi, zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kutarisirwa kubuda munyika zvichipinda muSouth Africa.

Hurumende yeSouth Africa haibvumi kuti zvinhu hazvina kugadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika, ichiti vanhu vari kutiza kusagadzikana kwezveupfumi chete.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa kuchamhembe kweAfrica musangano reZimbabwe Exiles Forum, VaTino Mambeu, vanoti zvakakosha kuti hurumende yeSouth Africa itambire kuti zvinhu hazvina kugadzikana muZimbabwe kuitira kuti ikwanise kubatsira vari kutiza munyika.

Hurukuro naVaTinomuvonga Mambeu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG