Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reKodzero neMugovera


Zimbabwe Human Rights Commission - Elasto Mugwadi

Zimbabwe iri kubatana nepasi rose neMugovera mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, re Human Rights Day.

Zimbabwe iri kubatana nepasi rose neMugovera mukucherechedza zuva rekodzero dzevanhu, re Human Rights Day.

Hurongwa uhu huchaitirwa muguta reGweru.

Komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu munyika, yeZimbabwe Human Rights Commssion, ndiyo ichange ichikokera hurongwa uhu.

Gore rino zuva iri riri kukurudzira mhunu wese kuti asimuke mukudzivirira kodzero dzemumwe.

Zuva iri riri kucherechedzwa panguva iyo Zimbabwe iri muhurongwa hwemazuva gumi nematanhatu ekurwisa kudzvanyirirwa kwekodzero dzevanhu zvikuru mudzimba dzakanangana nevanhukadzi.

Mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vanoti zvinosuwisa kuti gore rino nyika iri kucherechedza zuva rekodzero dzevanhu iri panguva iyo hurumende isiri kuremekedza kodzero dzevanhu vayo.

XS
SM
MD
LG