Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMari Rokanganisa Gadziriro yeZororo reKisimusi


Mitsetse yevanhu vanoda kutora mari dzavo kumabhanga inonzi yave chigariro mumaguta akawanda emunyika

Dambudziko remari munyika rinonzi riri kuramba richitowedzera panguva iyo vanhu vari kuda mari dzavo kuti vakwanise kufamba kana kutenga zvavanoda zvekupedzisira vasati vapinda muzororo reKisimusi.

Dambudziko remari munyika rinonzi riri kuramba richitowedzera panguva iyo vanhu vari kuda mari dzavo kuti vakwanise kufamba kana kutenga zvavanoda zvekupedzisira vasati vapinda muzororo reKisimusi.

Dambudziko iri rinonzi riri kuwedzerwawo nekushaikwa kwemari yekuAmerica hombe dzakaita sezana remadhora kana makumi mashanu emadhora dzakabatana, dambudziko rinonzi nedzimwe nyanzvi mune zveupfumi riri kukonzerwa nevamwe vari kuviga mari idzi kana kuburitsa kunze kwenyika.

Kunetsa kwemari uku kunoramba kuchienderera kunyange hazvo bhanga guru renyika reReserve Bank radira mumabhanga mamiriyoni makumi maviri nemapfumbamwe emadhora emari itsva yema bond note.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, svondo rino vakaudza bepanhau reNewsDay kuti dambudziko remari iri richaramba riripo kwenguva ndefu sezvo nyika isina mabhindauko airi kuita anopinza mari yekunze muhupfumi hwenyika.

Nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti mitsetse mirefu yevanhu vari kutsvaga mari kumabhanga iri kutewedzera kunyange hazvo pave nemari itsva iyi.

Doctor Chitambara vanoti michina inopa mari panze pemabhanga yanga yatopera mari pasvika nguva dzemasikati, ukuwo vezvitoro vanosimbopawo mari kana munhu atenga zvinhu zvemari yavanenge vakatara vave kurambawo kubatsira vari kutsvaga mari ava.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG