Accessibility links

Breaking News

Nyika Yoyambira Pamusoro peMafashamu


Mune dzimwe nzvimbo mvura iri kunaya iri kuvhara migwagwa
Mune dzimwe nzvimbo mvura iri kunaya iri kuvhara migwagwa

Izvi zvinotevera mashoko echenjedzo apiwa neboka rezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department ekuti mvura inogona kukonzera mafashamu icharamba ichinaya munyika yose kubva musi wa 14 Zvita kusvika musi wa 22 Zvita.

Sangano reZimbabwe Red Cross Society rinoti rakagadzirira kubatsira vanhu vanenge vawirwa nedambudziko remafashamu munyika.

Izvi zvinotevera mashoko echenjedzo apiwa neboka rezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department ekuti mvura inogona kukonzera mafashamu icharamba ichinaya munyika yose kubva musi wa 14 Zvita kusvika musi wa 22 Zvita.

Boka iri rinoti raona zvakakodzera kuti richenjedze vanhu pamusoro pemafashamu, zvikuru mumatunhu ari kumabvazuva kwenyika nedzimwe nzvimbo dzagara dzichisangana nematambudziko aya.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Red Cross Society, kana kuti director of operations, VaKarikoga Kutadzaushe, vanoti sangano ravo rinoshanda neboka reCivil Protection Unit mukubatsira vanenge vawirwa nematambudziko.

Vanoti sangano ravo rinobatsira nezvinhu zvakaita sematende kune vanenge varasikirwa nedzimba dzavo, pamwe nezvimwewo zvinodiwa munguva yematambudziko akadai.

Muguta reHwange, mudunhu reMatabeleland North, mazana evagari anonzi ari kubatsirwa kubva munzvimbo iyi zvichitevera mafashamu anonzi aparadza zvivakwa nekukanganisa magariro evanhu.

Hurukuro naVaKarikoga Kutadzaushe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG