Accessibility links

Breaking News

Kutsvagwa kweMukuru weVatongi Kwounza Mutauro


Gurukota rezvemitemo VaEmmerson Mnangagwa
Gurukota rezvemitemo VaEmmerson Mnangagwa

Vatatu vanenge vabudirira ndivo vanozoendeswa kumutungamiri wenyika, uyo anozodoma mumwechete anenge abudirira.

Boka reJudiciary Service Commission renderera mberi nekubvunzurudza vanhu vachada kutora chigaro chemukuru wematare, kana kuti Chief Justice, zvisineyi nemutongo wakapiwa nedare repamusoro reHigh Court nemusi weSvondo, uyo waimisa hurongwa uhwu.

Boka reJudiciary Serivce Commission rapikisawo mutongo weHigh Court uyu kudare repamusorosoro reSupreme Court, panguva imwe chete riri kuenderera mberi nekutsvaga vachatsiva Chief Justice Gofrey Chidyausiku.

Chief Justice Chidyausiku vanotarisirwa kusiya basa munaKukadzi wegore rinouya pavachaenda pamudyandigere.

Kune vamwe vari kuti mutungamiri wenyika ndiye anofanirwa kudoma mukuru wevatongi, kwete kuti aite zvekutsvagwa nekuenda pamberi pekomiti.

Vamwewo ndivo vari kuti mutungamiri wevatongi anofanirwa kusarudzwa nekomiti inenge iine vatongi vakasiya basa.

Danho iri riri kutsigirwawo nebazi rezvemitemo, iro rinoti rakatonga kuvandudza bumbiro remitemo kuti ripe masimba kumutungamiri wenyika kuti adome mukuru wevatongi uyu.

Asi vamwe vari kuona zviri kuitika izvi sezvine chekuita nemakakatanwa ari muZanu PF pamusoro pekuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe kana vachinge vazosiya.

Vaenda pamberi peJudiciary Service Commission ndaAmai Rita Makarau, VaPaddington Garwe pamwe naVaLuke Malaba.

Mumwe wechina anga achitarisirwa kuenda pamberi pekomiti iyi ndaVaGeorge Chiweshe, avo vanonzi havana kuzoenda.

Vatatu vanenge vabudirira ndivo vanozoendeswa kumutungamiri wenyika, uyo anozodoma mumwechete anenge abudirira.

Gweta uye vari mudzidzisi paUniversity of Kent kuBritain, Doctor Alex Magaisa, vanoti zviri kuitwa neJudiciary Service Commission zviri pamutemo.

Vanoti bumbiro remitemo rinotsanangura zviri pachena kuti hurongwa uhwu hunofanirwa kuitwa pachena, uye vana veZimbabwe vakasunungukawo kuenda kunonzwa.

Asi rimwe gweta uye vari nhengo yeparamende, VaJonathan Samukange vanoti Judiciary Service Commission yakanganisa nekuenderera mberi nehurongwa hwakamiswa nedare reHigh Court uyu.

VaSamukange vanoti vanotsigira nyaya yekuti mukuru wevatongi asarudzwe nevatongi vakasiya basa, sezvo vari kutungamira hurongwa uhwu pari zvino vari pasi pevanhu vavari kubvunzurudza kuti vatore chigaro ichi.

Mumwe mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, VaRomeo Zibani, vari kupikisawo kumatare edzimhosva nzira yekuti mukuru wevatongi asharwe neJudiciary Service Commission, vachiti basa iroro rinofanirwa kusiirwa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaZibani vari kumirirwa naVaSamukange kumatare edzimhosva.

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG