Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoparura Zvidzidzo Zvitsva zvePolitical Economy neEconomic History muZvikoro


Gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora
Gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora

Sangano rinomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kushushikana nehurongwa hwebazi redzidzo yepasi hwekuisa zvidzidzo zvitsva muzvikoro panotanga kotoro yegore rinouya asi pasina kuwedzerwa varairidzi.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vakaziviswa kuti kutanga 2017 zvidzidzo zvinoti Political Economy neEconomic History zvinenge zvodzidziswa muzvikoro zvesekendari.

Asi vanoti hurumende haina zvayakazivisa pamusoro pevarairidzi vachadzidzisa zvidzidzo zvitsva izvi, zvichireva kuti varairidzi vari kudzidzisa History pari zvino ndivo vanenge votakuriswa mutoro uyu.

Doctor Zhou vanoti chimwe chinovashungurudza ndechekuti hurumende inongoramba ichiita zano ndega mune zvinhu zvinobata varairidzi pamwe nevadzidzi, panzvimbo yekuti varovane masoro kubva pazvinorongwa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Ngatinzweyi hurukuro yataita naDoctor Zhou pamusoro penyaya iyi.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG