Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vosimbisa Pamire Bato Ravo paMubatanidzwa weMapato


Bato reMDC-T rinoti richatanga gadziriro yesarudzo dza 2018 mugore rinouya
Bato reMDC-T rinoti richatanga gadziriro yesarudzo dza 2018 mugore rinouya

Izvi zvinotevera musangano wenational council yebato ravo waitwa muHarare pamwe nemumwe wenational executive wakaitwa neMuvhuro, iyo yaitarisa nezvenyaya huru mbiri idzi.

Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo richaita mubatanidzwa nemapato ezvematongerwo enyika ane muonero wakafanana nebato ravo.

Vachitaura pamusangano nevatori venhau apo vazivisa nezvepamire bato ravo panyaya yemubatanidzwa wemapato pamwewo nesarudzo dza 2018, VaTsvangirai vati mukupinda mumubatanidzwa uyu, bato ravo richaita izvi kana zvichinge zvichitsigirwa neveruzhinji mubato ravo.

Izvi zvinotevera musangano we national council yebato ravo waitwa muHarare pamwe nemumwe wenational executive wakaitwa neMuvhuro, iyo yaitarisa nezvenyaya huru mbiri idzi.

Mutauriri waVaTsvangairai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai vaburitsa pachena kuti bato ravo richange richitanga gadziriro yesarudzo dza 2018 kutanga gore rinouya ra 2017, panguva imwe cheteyo richiramba richiendesa mberi nyaya yekuti mitemo ine chekuita nesarudzo igadziriswe.

VaTamborinyoka vanotiwo panyaya yekuti MDC T iite mushandira pamwe nemamwe mapato, misangano miviri iyi yasunga kuti bato iri richabatana chete nemamwe mapato ane maonero nemafungiro mamwe chete naro.

Tichiri pabato reMDC T, bato iri rinoti rakakatyamadzwa zvikuru nemutongo wakapihwa naVaChinembiri Bhunu wekuti nhengo nhatu dzebato iri dzigare mujeri kwemakore makumi maviri.

Mumashoko aratumira kuvatori venhau, bato reMDC T rinoti yakagara yazviona kare kuti nyaya yaipomerwa Muzvare Yvonne Musarurwa, VaTungamirai Madzokere pamwe naVaLast Maengahama, yakange yopinzwa zvematongerwo enyika.

Bato iri rinoti sebato rinoona sekuti vatatu ava havana mhosva yavakapara, uye rinotiwo raudza magweta aro kuti nyaya iyi ikwidzwe kuSupreme Court.

MDC T yati inovimba kuti vatatu ava vachawanikwa vasina mhosva.

Bato iri rinotiwo richamira nevatatu ava kudzamara vachenurwa nematare.

Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG