Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Zvita 22, 2016


Misoro yeNhau

MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube inoita musangano weNational Council ndokubuda nezvisungo zvainoti zvakakosha zvinosanganisira kubatana nemamwe mapato mukukwikwidzana neZanu PF musarudzo dza2018...

Mari yonetsa kuwana muZimbabwe panguva ivo veruzhinji vari kuita chipatapata kutenga zvinhu zvekushandisa pazororo rekisimusi…

Mapurisa anoudzwa nedare muBulawayo kuti haafairwe kutadzisa masangano kucherechedza zuva re Unity Accord…

Studio7 inopenengura chibvumirano cheUnity Accord chakaitwa musi wa 22 Zvita 1987 pakati peZanu PF nePF Zapu...

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Women’s Roundtable na 8:00pm…tiri kutarisa zvinodiwa nevanhu sezvipo zvekisimusi...

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau, China Zvita 22, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG