Hurumende neMuvhuro yazobvuma kubhadhara vashandi vayo mari dzavo dzemabhonasi egore rapera, danho rinonzi radzimura moto wekuramwa mabasa wanga watotanga kubatidzwa nekusaita basa kwevashandi nhasi kunyange hazvo vaenda kumabasa.
Vashandi vehurumende vari kuda kuramwa mabasa neMuvhuro vachinyunyuta nekunonoka kwehurumende kuvapa mabhonasi avo egore rapera.
Vanachiremba vari kuramwa mabasa vasangano nevamiriri vehurumende kuti vaedze kugadzirisa dambudziko rekuramwa mabasa iro rave nemazuvagumi nemashanu.
Vachitaura pamhemberero dzekusvitsa kwavo makore makumi mapfumbamwe nematatu kuMatopo Mugovera wadarika, VaMugabe vakashora vanhu vanoenda kuAmerica kunotsvaga mabasa.
Vanamukoti muzvipatara zvehurumende mumatunhu akawanda emunyika vanonzi vapinda mukuramwa mabasa kutanga nhasi vachinyunyuta nekusabhadharwa kwavo mari dzavo dzemabhonasi egore rapera.
Vamiriri vesangano reAfrican Diaspora Forum, iro riri kumirira zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa, vasangana nameya weguta reJohannesburg, VaHerman Mashaba, kuti vazeye nezvekurwiswa kwevabvakure munyika iyi.
Masangano evashandi vehurumende gumi nemana ari pasi pemubatanidzwa weApex Council asangana muHarare akasunga kuti vashandi vehurumende vose varatidzire neMuvhuro unouya senzira yekunyunyuta nekunonoka kubhadharwa mari dzavo dzemabhonasi egore rapera.
Sachigaro weApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti semaziviro avo vashandi vari kuda kupiwa mabhonasi avo iri mari nekuti sangano ravo rine humwe hurongwa hwekutsvagira nhengo dzaro masitendi ekuvakira dzimba richishanda nebazi rezvekutongwa kwematunhu.
Chikwata chepamusoro chesangano revashandi pasi rose, reInternational Labour Organisation, ILO, cheHigh Level Mission chiri munyika kuti chione kana hurumende iri kuzadzisa kurudziro yakaitwa muna 2009 pamwe negore rapera munyaya dzevashandi.
Kuramwa mabasa kwavanachiremba vemuzvipatara zvehurumende kuri kuenderera mberi, hurumende ichinzi yaisa vanachiremba vechiuto mune zvimwe zvipatara senzira yekuedza kurerutsa dambudziko ravepo.
Vanodzidzisa Kumaruwa Voramwa Mabasa
Nyaya yekuporofita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa muna Gumiguru iri kupomerwa mutungamiri weRemnants Church, Pastor Philip Mugadza, yapinda mudare remejasitiriti muHarare, asi haina kutongwa.
Mutauriri weboka reMeteorological Services Department, VaTichaona Zinyemba, vanoti matunhu anotarisirwa kubatwa neCyclon Dineo zvakanyanya ndeeMasvingo, Matabeleland South, nedzimwe nzvimbo muManicaland.
Varume vekuEpworth makumi mashanu nevashanu vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga gore rapera, vakundikana kumira mudare ramejasitiriti nhasi mushure mekunge pashaya mutongi aitora.
Vanoti hurumende iri kukundikana kugadzirisa zvinyunyuto zvavo zvikuru zvitatu zvinosanganisira nyaya yekurasikirwa nemabasa kwavanachiremba vaenge vapedza zvidzidzo.
Gweta riri kumirira Pastor Mugadza, VaObey Shava, vanoti dare rati rakawandirwa nenyaya dzinoda kutariswa izvo zvaita kuti riendese mberi nyaya yavo kumusi wa 20 Kukadzi.
Veruzhinji vanoti vanotambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende rekusendeka parutivi mutemo weStatutory Instrument 20 wegore ra 2017, uyo unokwidza mutero wezvekudya zvakawanda nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru, vanoti vadzinga mubato iri nhengo dzinoti VaRugare Gumbo, VaDidymus Mutasa, Amai Margaret Dongo, VaKudakwashe Bhasikiti, VaMunacho Mutezo nevamwe.
Mapato ari kutarisirwa kupinda mumubatanidzwa uyu anoti rePDP rinotungamirirwa naVaTendai Biti, rePDZ rinotungamirirwa naAmai Barbara Nyagomo, pamwe nereZimFirst rinotungamirirwa naVaMaxwell Shumba.
Pastor Mawarire vakaita mukurumbira vachishambadza hurongwa hwavo hwe#ThisFlag padandemutande.
Rodhai zvimwe