Accessibility links

Breaking News

Vari kuMarimuka Votsamwiswa neMashoko aVaMugabe


VaMugabe vakatsamwisa vari kunze kwenyika nermashoko avo ekuti vari kudzoka kumusha vasina chinhu
VaMugabe vakatsamwisa vari kunze kwenyika nermashoko avo ekuti vari kudzoka kumusha vasina chinhu

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kunyunyuta zvikuru nemashoko anonzi akataurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekunyomba vari kunze kwenyika, zvikuru vari kuenda kunotsvaga mabasa kuAmerica, avo vakati vari kuzodzoka kumusha dzimwe nguva vasina chinhu.

Chizvarwa cheZimbabwe, VaPromise Sande, avo vanogara ku Orlando kuFlorida muAmerica, vanoti VaMugabe vanofanirwa kutsvaga zvikonzero zviri kuita kuti vana vavo vatize munyika vachienda kuMarimuka, kwete kuvanyomba.

VaSande vanoti kana hurumende yaVaMugabe yakawanisa vanhu mabasa, kuremekedza kodzero dzevanhu, pamwe nekuramba huwori havaoni paine munhu angada kusiya nyika yake achinoshanda kunze, kwaanozodzoka aine nhava izere mhepo.

Vachitaura pamhemberero dzekusvitsa kwavo makore makumi mapfumbamwe nematatu kuMatopo Mugovera wadarika, VaMugabe vakashora vanhu vanoenda kuAmerica kunotsvaga mabasa.

Vakambotiwo vanotsigira chirongwa chemutungamiori weAmerica mutsva VaDonald Trump chekuti America ndeyezvizvarwa zveAmerica, vakati vanhu vekuAmerica vane kodzero yekuchengetedza nyika yavo.

VaTrump vari kuti vanhu vekune dzimwe nyika vasina magwaro vanofanirwa kuburitswa muAmerica, danho rinonzi rakonzera kugedageda kwemeno mune vakawanda, kusanganisirawo zvizvarwa zveZimbabwe.

Mashoko aVaMugabe aya anouya panguva iyo zvizvarwa zvenyika zviri muSouth Africa zvisina magwaro zviri kunzi zvibude munyika, iyi, zvimwe zvichirwiswa zvisina kupara mhosva.

Hurukuro naVaPromise Sande
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG