Accessibility links

Breaking News

Vanamukoti veHurumende Vanokanda Mapadza Pasi


Vanamukoti vanoramwa mabasa panguva iyo vanachiremba vari kuramwawo mabasa
Vanamukoti vanoramwa mabasa panguva iyo vanachiremba vari kuramwawo mabasa

Vanamukoti muzvipatara zvehurumende mumatunhu akawanda emunyika vanonzi vapinda mukuramwa mabasa kutanga neChipiri vachinyunyuta nekusabhadharwa kwavo mari dzavo dzemabhonasi egore rapera.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vanamukoti, reZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vanoti zvimwe zvaita kuti vanamukoti vapinde mukuramwa mabasa kusatariswa kwezvichemo zvavo, izvo vanoti zvave nemakore maviri vazvisvitsa kuhurumende.

Kuramwa mabasa kwavanamukoti uku kunouya panguva iyo vanachiremba vari pakuramwawo mabasa, uko kwapinda muzuva regumi nena.

Vamwe vashandi vehurumende vanosanganisira varairidzi, vakazivisawo kutanga kwesvondo rino kuti vacharatidzira nemusi weMuvhuro unouya, vachinyunyuta nekusabhadharwa mabhonasi avo.

Chimwe chinonzi chiri kutsamwisa vashandi vehurumende zvikuru kuramba hurumende ichiendesa mberi musangano unofanirwa kuitwa pakati pevamiriri vayo nevamiriri vevashandi wekuzeya nezvenyaya iyi.

Hurukuro naVaEnock Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG