Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anopikisa ari kutarisirwa kupindawo mumubatanidzwa wemapato anopikisa weCoalition of Democrats, CODE, pakunyoreranwa pasi pachaitwa muHarare nemusi weChina.
Mapato ari kutarisirwa kupinda mumubatanidzwa uyu anoti rePDP rinotungamirirwa naVaTendai Biti, rePDZ rinotungamirirwa naAmai Barbara Nyagomo, pamwe nereZimFirst rinotungamirirwa naVaMaxwell Shumba.
Mutauriri wemubatanidzwa weCODE uye vari mutauriri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaPishaI Muchauraya, vanoti kupinda kwemapato matatu aya mumubatanidzwa wavo chinhu chikuru kwazvo, sezvo chiri kuitika panguva iyo vana veZimbabwe vari kukurudzira kuti mapato anopikisa apinde musarudzo akabata kana achida kukurira bato riri kutonga reZanu PF.
Izvi zviri kuitikawo panguva iyo rimwe bato idzva rezvematongerwo enyika rinonzi The African Democrats, richinzi ranyoreswa zviri pamutemo kuti rikwikwidze musarudzo.
Mapato anonzi nevamwe ane vatsigiri vakawanda asati apinda mumubatanidzwa uyu anoti reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe nereZimbabwe People First rinotungamirwa naAmai Joice Mujuru.
Bato iri pari zvino rakatarisana nekusagadzikana zvichitevera mashoko ekuti Amai Mujuru vadzinga dzimwe nhengo dzebato, idzo dziri kutiwo dzadzinga ivo Amai Mujuru.
Mapato ezvematongerwo enyika anyoreswa munyika kusvika pari zvino anonzi ave kusvika kumakumi mashanu nemashanu, kusanganisira ari kuumbwawo nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika.
VaMuchauraya vari kukurudzira vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vatsigire mubatanidzwa wemapato uyu, uye kuti vaende kumusha kunonyoresa kuti vagozokwanisa kuvhota muna 2018.
Facebook Forum