Accessibility links

Hurumende Inovimbisa Vashandi Vayo Mabhonasi Avo eGore Rapera

  • Jonga Kandemiiri

Dr. David Parirenyatwa naAmai Prisca Mupfumira ndevamwe vemakurukota apinda mumusangano nevashandi vehurumende.

Hurumende neMuvhuro yazobvuma kubhadhara vashandi vayo mari dzavo dzemabhonasi egore rapera, danho rinonzi radzimura moto wekuramwa mabasa wanga watotanga kubatidzwa nekusaita basa kwevashandi nhasi kunyange hazvo vaenda kumabasa.

Nhengo yeApex Council uye vari munyori weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti izvi zvabuda mumusangano wavaita nemakurukota matatu ehurumende pamwe nagavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank Doctor John Mangudya.

Makurukota apinda mumusangano uyu anoti rezvemabasa nevashandi Amai Priscah Mupfumira, rezveupfumi VaPatrick Chinamasa, nerezvehutano, Dr. David Parirenyatwa,

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu VaSavior Kasukuwere vanonzi vanga vakamirirwa nemushandi mukuru muhofisi mavo, Retired Colonel Joseph Mhakayakora.

VaMajongwe vanoti hurumende yavazivisa kuti vashandi vachabhadharwa muzvikamu zvina vachitanga nemauto nevehutano avo vachapiwa mari dzavo muna Kubvumbi.

Mapurisa nevanoshanda kumajeri vanozopiwa mari dzavo muna Chivabvu, kotiwo vari mune zvedzidzo vopiwa munaChikumi, kuchizopedzisira ruzhinji rwevashandi vehurumende vose, avo vanozopiwa munaNyamavhuvhu.

Kunyange hazvo hurumende iri kuti haina mari, zvinonzi chikwata chehurumende ichi chavimbisa kuti ichatsvaga mari iyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo yakundikana kubata Amai Mupfumira.

Asi vane ruzivo nenyaya iyi vanoti hurumende iri kutarisira kuwana mari kubva kufodya, iyo iri kutanga kutengeswa neChitatu chesvondo rinouya.

Vashandi vehurumende vanga varonga kuratidzira nyika yose senzira yekuti vamanikidze hurumende kuti ivabhadhare mabhonasi avo, sezvo hurumende yange yoda kushandisa masitendi senzira yekubhadhara nayo vashandi ava.

Nhengo dzesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalagamated Rural Teachers' Union dzakamboramwa mabasa kwesvondo rose pamusoro penyaya iyi, kusvika dzazoturika danho iri kuitira kuti dzibatane nevamwe vashandi vose svondo rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG