Vanachiremba vari kuramwa mabasa vasangano nevamiriri vehurumende kuti vaedze kugadzirisa dambudziko rekuramwa mabasa iro rave nemazuvagumi nemashanu.
Sachigaro wesangano rinomirira vanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Dr. Edgar Munatsi vanoti musangano uyu, semimwe misangano yanga ichiitwa mumasvondo adarika ose aya, hauna chawaburitsa zvakare.
Vanoti hurumende yazivisa kuti haikwanise kuvabhadhara mari yavari kuda pavanoshanda usiku, kana kuti on-call allowances, sezvo isina mari, asi inokwanisa kuvapa iri pasi pane yavari kuda, danho ravanoti varamba kutambira
Dr. Munatsi vamboshevedzwawo nevakuru vemapurisa, avo vanoti vanga vachida kunzwisisa nezvekuramwa mabasa kwavanachiremba navanamukoti uku.
Dr. Munatsi vanoti musangano wavo nevakuru vemapurisa uyu wafamba zvakanaka, uye panga pasina kutyisidzirana.
Zvichakadaro, sangano revagari vekuChitungwiza, reChitungwiza Residents' Trust, rinoti richatora matanho ekuenda kumatare edzimhosva kana hurumende pamwechete neHealth Services Board vakasagadzirisa matambudziko ari muzvipatara nekukasika.
Mukuru wesangano iri, VaMarvelous Kumalo vanoti kusagadziriswa kwematambudziko aya kutyora kodzero dzevanhu mukuwaniswa kwavo hutano, sezviri mubumbiro remitemo.
Facebook Forum