Accessibility links

Breaking News

Chikwata chePamusoro cheILO Chinoshanya Munyika


Chikwata cheILO chiri munyika kuti chione kana zimbabwe iri kuzadzisa zviga zvayakatemerwa
Chikwata cheILO chiri munyika kuti chione kana zimbabwe iri kuzadzisa zviga zvayakatemerwa

Chikwata chepamusoro chesangano revashandi pasi rose, reInternational Labour Organisation, ILO, cheHigh Level Mission chiri munyika kuti chione kana hurumende iri kuzadzisa kurudziro yakaitwa muna 2009 pamwe negore rapera munyaya dzevashandi.

Chikwata ichi chinonzi chakasangana nesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, ZCTU, chakazosanganawo nevamiriri vehurumende kuti chinzwe kana pane zvazaziswa pazvinyunyuto zvakakwidzwa nevashandi kusangano iri.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti sangano ravo rakasvitsa zvinyunyuto zvakati kuti kuILO zvinosanganisira mutemo weLabour Act, POSA, kushungurudzwa kwevashandi vanenge vachitungamira masangano evashandi, nezvimwe.

"Pamabatirwo ari kuitwa vashandi, ILO yakaita ma recommendations ekuti Labour Act, inobatanidza vashandi nevashandirwi, igadziriswe. Vashandi vehurumende vanofanirwa kupiwawo mukana weku negotiator collective bargaining," VaMoyo vanodaro.

Vanoti mutemo wePOSA unofanirwa kuvandudzwa sezvo mapurisa ari kuushandisa kurambidza vashandi kuratidza kodzero dzavo.

Asi vamiriri vehurumende vanonzi vakaudza chikwata ichi kuti hurumende iri kutora matanho ekuzadzisa zviga zvayakatemerwa, zvikuru mutemo wevashandi kana kuti Labour Act.

Asi VaMoyo vanoti hapana chikuru chati chaitwa nehurumende, zvikuru pamutemo weLabour Act, sezvo zviri kuitwa zviri kutodzvinyirira vashandi.

Chikwata ichi chinonzi chakakurudzira kuti hurumende itambire zvakare nyanzvi dzeILO dzichauya munyika kunoongorora kana zviga izvi zvazadziswa pasati paitwa musangano mukuru weInternational Labour Conference.

Chikwata ichi chiri kutarisirwawo kusangana nevashandirwi.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG