Varairidzi vekumaruwa vatanga kuramwa mabasa neMuvhuro vachida kuti hurumende ivazivise nezvemazuva aichavawanisa mari dzavo dzemabhonasi dzavasina kuwaniswa gore rapera.
Mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti varairidzi vanosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana vapinda mukuramwa mabasa uku muzuva rekutanga.
Vanoti vanotarisira kuti huwandu hwevarairidzi hunenge hwakwira muzuva repiri rekuramwa mabasa sezvo neMuvhuro shoko ranonoka kusvika muzvikoro zvakawanda.
VaMasaraure vanoti vari kushushikanawo nekwavanoti kutyisidzirwa kwevarairidzi vari kuramwa mabasa nevakuru mubazi redzidzo, asi vanoti sangano ravo riri kutora matanho ekuchengetedza nhengo dzavo kuti dzisatyisidzirwa.
Vashandi vehurumende vari kunyunyuta nekusabhadharwa mari dzemabhonasi gore rapera, kunyange hazvo hurumende iri kuti iri kuedza kugadzirisa nyaya iyi.
Musangano wanga wakatarisirwa neMuvhuro pakati pesangano revashandi vehurumende reApex Council nevamiriri vehurumende hauna kuzobudirira mushure mekunge waendeswa mberi kumusi wa 27 mwedzi uno,unove Muvhuro unotevera.
Danho iri rinonzi neAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe inzira dzehurumende dzekutenga nguva mazuva achifamba.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende pamusoro pekuramwa mabasa kwevarairidzi uku.
Zvichakadaro, kuramwa mabasa kwavanachiremba vemuzvipatara zvehurumende kuri kuenderera mberi kuchipinda muzuva rechitanhatu pasina tarisiro yekuti kunopera nekukasika.
Mutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Edgar Munatsi vaudza Studio 7 kuti vanachiremba vakuru vari kubatana navanachiremba vachangopedza zvidzidzo mukuramwa mabasa vari kuramba vachiwanda.
Dr. Munatsi vanoti vane tarisiro yekusangana nehurumende nekukasika kuitira kugadzirisa dambudziko iri, vachiti varwere ndivo vari kunyanya kuomeserwa nedanho ravo iri.
Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa neChitatu svondo rapera vachida kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo zvitatu zvinosanganisira kuwaniswa mabasa kana vapedza zvidzidzo zvavo.
Asi hurumende svondo rapera yakazivisawo kuti yagadzirisa chichemo chemabasa ichi, asi vanachiremba vari kuti ngavatange vanyorerana pasi vasati vadzokera kumabasa.
Chipatara cheUnited Bulawayo Hospitals chaburitsawo gwaro chichiti nekuda kwekuramwa mabasa kwavanachiremba vepasi kuri kuitika, chamanikidzwa kuti chichingobatsira varwere vanenge vachida kubatsirwa zvakanyanya.
Chipatara ichi chinotiwo chinotarisira kuti gakava iri richakasika kugadziriswa kuitira kuti varwere vabatsirikane.
Facebook Forum