Veruzhinji vanoti vanotambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende rekusendeka parutivi mutemo weStatutory Instrument 20 wegore ra 2017, uyo unokwidza mutero wezvekudya zvakawanda nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana.
Mutemo wemitero iyi, Value Added Tax, VAT, wakanga watanga kushanda kutanga kwemwedzi uno.
Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaLuxon Zembe, vanotiwo mutemo uyu wakanga waita kuti mitengo yezvekudya zvakaita semupunga, majarini, mahewu, mbatatisi, nenyama, ikwidzwe zvakanyanya izvo zvakanga zvoomesera veruzhinji vari kutambura nechekare.
Zvinonzi vezvitoro vakanga vakwidza mitengo yavo nezvikamu zvingada kusvika kumakumi mana kubva muzana.
VaZembe vanoti hurumende yakanga yakwidza mutero wezvinhu zvinodiwa zuva nezuva izvi isina kutanga yanzwawo kubva kune veruzhinji izvo zvakaita kuti veruzhinji vanyunyute zvikuru.
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakaudza dare reparamende nemusi weChipiri kuti vakanga vasendeka mutemo uyu kuitira kupa mukana mukunzwawo pfungwa dzevamwe.
VaChinamasa vakati vakanga vatotanga kare kuita nhaurirano nemamwe mapoka ane chekuita nenyaya iyi.
Asi VaZembe vanoti dambudziko riripo nderekuti hurumende iri kushandisa mari yakawandisa yaisingagone kuunganidza, panzvimbo yekuti itore matanho anoita kuti ishandise mari shoma yainokwanisa kuwana kubva kumitero nezvimwe.
Vanoti hurumende inofanirwa kurerutsa dambudziko rayo kuburikidza nekutora matanho akaita sekuderedza huwandu hwevashandi vayo, avo vanodya zvikamu zvakawandisa zvemari yainowana pamwedzi.
Danho rakatorwa nehurumende iri rave kureva kuti vezvitoro vanofanirwa kudzikisa mitengo yavo yezvinhu izvi.
Facebook Forum