Accessibility links

Meya weJohannesburg Oomesa Musoro paVabvakure Vari Kupara Mhosva

  • Jonga Kandemiiri

Migrants in Cape Town's Mannenberg community demonstrate against xenophobia. (UTERS/Mike Hutchings)

Vamiriri vesangano reAfrican Diaspora Forum, iro riri kumirira zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa, vasangana nameya weguta reJohannesburg, VaHerman Mashaba, kuti vazeye nezvekurwiswa kwevabvakure munyika iyi.

Vamiriri vesangano iri vanonzi vanga vachidawo kuti VaMashaba, vebato rinopikisa reDA, vashoropodze mhirizhonga iri kuitwa nezvizvarwa zvemuSouth Africa kune vekunze, asi zvinonzi varamba kuita izvi.

Zvinonzi VaMashaba varamba vakaomesa musoro vachiti vabvakure vasina magwaro ndivo vari kukonzera kusagadzikana muguta ravo kuburikidza nekupara mhosva, kuita zvechipfambi uye kutengesa zvinodhaka.

Zvinonzi mashoko avakataura pavakapinda muhofisi aya ndiwo ari kuonekwa nevakawanda seane chekuita nekurwiswa kwevanhu uku.

Mutungamiri wesangano reInternational Cross-border Traders' Association, VaDenis Juru, vanoti kuomesa musoro kwaVaMashaba uku kwavasiya pakaoma sezvo pasina imwe nzira yekuti vagadzirise nayo dambudziko iri.

NeMuvhuro, zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvakasanganawo negurukota rezvemukati meSouth Africa, VaMalusi Gigaba, pamusangano wekupana mazano, unonzi wakashevedzerwa nebato riri kutonga reANC.

VaJuru vanotiwo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBotswana zviri kutambiswawo chamutavanhava chimhukutira ikoko, kuburikidza nekushungurudzwa mumapoka akasiyanasiyana anosanganisira mapurisa.

Vanoti vakaitawo musangano nevemapoka aya kusanganisira madzishe kuti vaedze kugadzirisa matambudziko aya.

VaJuru vanoti nekuda kwekutya kusungwa vachidzoserwa kumusha, vazhinji vave kutya kana kuenda kuzvipatara kuti vanotora mishonga yavo, chiitiko chavanoti chave kukanganisa vanorarama ne H-I-V.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG