Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vowirirana Kuratidzira neMuvhuro Unotevera


Vashandi vehurumende vari kuti vanoda kupiwa mabhonasi avo iri mari, kwete masitendi
Vashandi vehurumende vari kuti vanoda kupiwa mabhonasi avo iri mari, kwete masitendi

Masangano evashandi vehurumende gumi nemana ari pasi pemubatanidzwa weApex Council asangana muHarare akasunga kuti vashandi vehurumende vose varatidzire neMuvhuro unouya senzira yekunyunyuta nekunonoka kubhadharwa mari dzavo dzemabhonasi egore rapera.

Munyori weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti masangano evashandi ashorawo zvikuru danho rehurumende rekupinda muvashandi ichinzwa pfungwa dzavo pamusoro pekuti vopiwa here masitendi kana kuti mari.

Vanoti hurumende yagara inoziva zvinodiwa nevashandi, kwete kuda kuvapesanisa sezviari kuita, zvekuti vashandi vari kuda masitendi asi vatungamiri vemasangano ndivo vari kuvarambira.

VaDzatsunga vanoti vanoshora zvikuru vamamwe vakuru muhurumende vari kutaura mashoko aya.

Svondo rapera gurukota rezvevashandi nemabasa Amai Priscah Mupfumira vakaudza vatori venhau kuti vashandi vari kuda masitendi pane mari semuripo wemabhonasi avo.

Sangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, iro rine nhengo dzanga dziri pakuramwa mabasa, razivisawo kuti nhengo dzaro dzambomisa kuramwa mabasa uku kuti dzikwanise kushanda pamwechete nemamwe masangano muhurongwa hwekuratidzira hwesvondo rinouya uhu.

Vamiriri vevashandi vari kutarisirwa kusanganawo zvakare nevamiriri vehurumende nemusi weMuvhuro wakare ucharatidzirwa nevashandi.

Zvichakadaro, sangano rinomirira vanachiremba vehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors' Association rinoti kuramwa mabasa kwavanachiremba kwapinda muzuva regumi netatu, kunyange hazvo vakasangana nehurumende neChishanu chapfuura.

Sachigaro wesangano iri, Dr. Edgar Munatsi, vanoti vashandi vari kuti vanoda kutanga vanyorerana pasi nehurumende zvakawiriranwa neChishanu zvekuti vachawedzerwa mari dzekubatsirikana kana vashanda usiku, kana kuti on-call allowances.

Pari zvino vanachiremba vari kupiwa $288.00 pamwedzi semari yekushanda usiku iyi, asi ivo vari kuti inofanirwa kukwira kusvika pa$720.00 pamwedzi.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG