Accessibility links

Vashandi Voramba Kunyengedzwa neMasitendi eHurumende

  • Jonga Kandemiiri

Apex Council Chairperson, Mrs Cecilia Alexander

Sangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council raramba mashoko ari kunzi akataurwa negurukota rezvemabasa nevashandi, ekuti vashandi vakawanda vari kuda kupiwa masitendi semuripo wemari dzavo dzemabhonasi egore rapera, pane kuti vapiwe iri mari.

Sachigaro weApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti semaziviro avo vashandi vari kuda kupiwa mabhonasi avo iri mari nekuti sangano ravo rine humwe hurongwa hwekutsvagira nhengo dzaro masitendi ekuvakira dzimba richishanda nebazi rezvekutongwa kwematunhu.

Amai Alexander vanorambawo mashoko ekuti vatungamiri vemasangano evashandi vehurumende ndivo vari kurasisa vashandi panyaya iyi.

Amai Mupfumira svondo rino vakaudza vatori venhau kuti hofisi yavo iri kutambira vashandi vakawanda chose vari kuda kunzwisisa nezvehurongwa hwemasitendi uhwu.

Vanonzi vakatiwo ongororo yekunzwa pamire vashandi panyaya iyi iri kuitwa nebazi ravo inoratidza kuti ruzhinji rwuri kuda nzvimbo dzekuvakira dzimba pane mari.

Amai Alexander vanoti vamiriri vemasangano ose evashandi vehurumende vachasangana neMuvhuro svondo rinouya kuti varovane masoro padanho rekutora vachienda mberi.

Musangano wanga wakatarisirwa kuitwa neMuvhuro svondo rinouya pakati pevashandi nevamiriri vehurumende unonzi wambosendekwa zvakare parutivi, danho rinonzi riri kutowedzera hukasha wkevashandi.

Studio7 yakundikana kubata Amai Mupfumira kuti tinzwe pavamire pari nhasi.

Asi Amai Alexander vanoti havaone vashandi vachitadza kutora matanho kana pasina chagadziriswa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG