Accessibility links

Breaking News

Pastor Mawarire Vodomwa Kuti Vakwikwidze Mubairo weFreedom of Expression 2017


Pastor Evan Mawarire ve#ThisFlag
Pastor Evan Mawarire ve#ThisFlag

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reIndex on Censorship, radoma Mufundisi Evan Mawarire kuti vave pakati pevanhu vatatu nesangano rimwe chete vacharwira mukombe wekurwira kodzero dzevanhu muchikamu chekushandiswa kwedandemutande, weFreedom of Expression Award 2017, Digital Activism Category.

Achahwinha mubairo uyu achaziviswa muna Kubvumbi pamabiko achaitirwa kuUnicorn Theatre muLondon.

Sangano reIndex on Censorship rinopa mibairo muzvikamu zvina zvinoti chekutorwa kwenhau, zvemitambo, kutsvaga rutsigiro pamwe nekurwira kodzero dzevanhu pachishandiswa dandemutande.

Vamwe vari kukwikwidzana naPastor Mawarire ndiJensiat wekuIran, Bill Marckzak, nesangano reTurkey Blocks rekuTurkey.

Pastor Mawarire vakaita mukurumbira mukushandiswa kwedandemutande vachishambadza hurongwa hwavo hwe#ThisFlag.

Izvi zvakazoita kuti vasungwe uye kutiza munyika kwemwedzi mitanhatu.

Vakadzokera kumusha svondo rapera neChitatu vachibva vangosvikosungwa vachipomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende yakasarudzwa neveruzhinji zviri pamutemo.

Pastor Mawarire vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti chavakaita kukurudzira vanhu kuti varatidze kusafarira kwavo zviri kuitwa nehurumende.

Chikumbiro chavo chekuti vabvisiswe mari yechibatiso change chichitarisirwa kunzwikwa neChipiri mudare reHigh Court, asi zvinonzi nyaya iyi yave kunzwikwa nemusi weChitatu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, vanove chipangamazano musangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, vanoti kudomwa kwaPastor Mawarire uku chinhu chikuru kwazvo munhoroondo yenyika, sezvo zvichiisa pamusoro mabasa ekurwira kodzero dzevanhu.

VaMavhinga, avo vataura vari kuJohannesburg, kuSouth Africa, vanoti kana Pastor Mawarire vakazobudirira kuwana mubairo uyu, vanenge vamirira vamwe vose vari kurwira kodzero dzevanhu vari munyika.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG