Accessibility links

Breaking News

Dutu Rine Mvura Yakawanda, Cyclone Dineo, Rinopinda muZimbabwe


Dutu Cyclone Dineo riri ku[pinda munyika richibva kuMozambique
Dutu Cyclone Dineo riri ku[pinda munyika richibva kuMozambique

Dutu rine mvura ine simba guru, Cyclone Dineo, rinonzi rasvika kumatunhu eChiredzi, Beitbridge, Mwenezi neChipinge richibva nekuMozambique, uko rinonzi rakaparadza guta reInhambane iro riri kumahombekombe kwegungwa reIndian Ocean.

Mutauriri weboka reMeteorological Services Department, VaTichaona Zinyemba, vanoti matunhu anotarisirwa kubatwa neCyclon Dineo zvakanyanya ndeeMasvingo, Matabeleland South, nedzimwe nzvimbo muManicaland.

VaZinyemba vanoti kunyange hazvo dutu iri risisina kusimba sezvarakanga rakaita paraive mugungwa, richauya nemvura yakawanda inogona kukonzera mafashamu munzvimbo dzakawanda, zvikuru sei dzakadzikira.

Vanoti kunyange hazvo paine mamwe mapoka avari kushanda nawo mukubatsira vanhu vangangovirwa nedambudziko remvura iyi, ivo seboka vari kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevera zviziviso zvemamiriro ekunze, sezvo izvi zvichizovabatsira kuziva panenge pave kudiwa kutorwa matanho.

Dutu iri rinonzi raifamba makiromita ari pakati pezana nemakumi maviri nezana nemakumi matanhatu paawa, asi VaZinyemba vanoti parinenge rasvika padunhu rinodzikira, kunyange hazvo richiramba riine njodzi.

Vayambirawo vanhu kuti vasaedza kuyambuka nzizi dzakazara.

Cyclone Dineo inotarisirwa kuti ingangobuda munyika nemusi weMugovera kana kuti neMuvhuro svondo rinouya.

Hurukuro naVaTichaona Zinyemba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG