Accessibility links

Breaking News

Pastor Mugadza Voyaura Vari Mujeri kuChikurubi


Pastor Patrick Mugadza

Dare ramejasitiriti remuHarare raendesa mberi nyaya iri kupomerwa mutungamiri wechechi yeRemnant Pentecostal, Pastor Philip Mugadza, yekushandisa zvisizvo mureza wenyika.

Gweta riri kumirira Pastor Mugadza, VaObey Shava, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti dare rati rakawandirwa nenyaya dzinoda kutariswa izvo zvaita kuti riendese mberi nyaya yavo kumusi wa 20 mwedzi uno.

Pastor Mugadza vakasungwa muna Mbudzi gore rapera mushure mekunge vafamba muHarare vakapfeka mureza wenyika.

Vakamiswa pamberi pedare gore rapera vakabvisiswa mari yechibatiso inoita madhora makumi mashanu kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Asi nhasi vadzoserwa kuChikurubi kwavari kuchitokisi sezvo vaine imwe nyaya yekuzvidza mutungamiri wenyika yavari kupomerwa.

Pastor Mugadza vakaporofita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa musi wa17 Gumiguru gore rino.

Kana vakawanikwa vaine mhosva panyaya yemureza iyi, vanogona kubhadhariswa faindi yemadhora mazana maviri kana kupika jeri kwemwedzi mitanhatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG