Accessibility links

Breaking News

Dare Rinotadza Kunzwa Mhosva Dziri Kupomerwa Varume vekuEpworth


Matare eHarare Magistrates Courts
Matare eHarare Magistrates Courts

Varume vekuEpworth makumi mashanu nevashanu vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga gore rapera, vakundikana kumira mudare ramejasitiriti mushure mekunge pashaya mutongi aitora.

Zvinonzi vatongi vatatu vose vakandirana nyaya iyi, mumwe mutongi akaguma azviburitsa achiti ane zita rakafanana neremumwe wevafakazi vari kupa humbowo panyaya iyi. Izvi zvinonzi zvazoita kuti nyaya iyi iendeswe mberi kumusi wa 7 Kurume.

Asi gweta riri kumirira vasungwa ava, VaObey Shava, varamba kutaura kana chiri chokwadi kuti vatongi varamba kutora nyaya iyi, kunze kwekungoti yaendeswa mberi nekuda kwekuti yanga yamboendeswa kumatare akasiyanasiyana.

Vagari vekuEpworth ava vakasungwa musi wa6 Chikunguru gore rapera vachipomerwa mhosva yekuvhiringidza runyararo, uye kukanganisa pamwe nekurambidza vanhu kuenda kumabasa.

Musi uyu makambani akavharwa nekuda kwekuratidzira uku.

VaShava vanoti kana nyaya iyi yakakundikana kupinda zvakare mudare muna Kurume vanenge vokumbira matare kuti iraswe sezvo yagarisa iri kumatare.

Hurukuro naVaObey Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG