Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti riri kushushikana zvikuru nemashoko ari kubva kumisha yeveruzhinji yeMabvuku neChitungwiza, ekuti mapurisa nemauto vari kushungurudza vagari.
Mhuri idzi, idzo dziri munzvimbo yeSikato pedyo nemasvingo eGreat Zimbabwe pasi pashe Mugabe, dzinonzi dzakapihwa mazuva manomwe ekuti dzibve mupurazi madziri kugara, iro raiva remurungu radzakatora munguva yehondo yeminda.
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti zvichitevera tsvakurudzo yavakaita kubva kune mapoka akasiyanasiyana, vakaona zvakakodzera kuti vakurudzirire vanhu kuti vasaenda kumabasa kwemazuva matatu.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti hapana chakashata nekushanyira nyika duku dzisina mukurumbira, sezvo nyika yose pasi pano iine chainowanawo chinodiwa nedzimwe nyika.
Mutungamiri wenyika VaMnangagwa neMugovera manheru vakazivisa nyika kuti mafuta ekufambisa dzimotokari kutanga neSvondo anenge ave kuwanikwa nenemutengo unoti $3.11 kubva pa$1.32 parita repeturu, ne$3.31 kubva pa$1.38 parita redhiziri.
Mushure mekubuda mumusangano uyu, VaTrump vakaisa mashoko padandemutande reTwitter vachiti kwaive kutambisa nguva yavo kupinda kwavakaita mumusangano uyu.
Mutsamba yakasvitswa kuboka republic Service Commission neChipiri, sangano iri rinoti hurumende haina zvairi kuitawo mukugadzirisa dambudziko rakatarisana nevashandi vayo rekushaikwa kwemari iri.
Chikwata chehurumende chakasimba chinonzi chiri kutarisirwa kusangana nevamiriri vemasangano evashandi vehurumende pamusangano uri kutarisirwa kuzeya nezvemihoro pamwe nemashandiro evashandi ava vasati vatora matanho ekuramwa mabasa sezviri kuitwa navanachiremba.
Kambani inogadzira zvinwiwa, yeDelta Corporation yakashandura chisungo chayanga yaita chekutengesa zvigadzirwa zvayo nemari yekunze kutanga neChisanhu 04 Ndira 2019.
Mutungamiri wesangano iri, uye vari nhengo yevechidiki vebato reZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti sangano iri vakariumba muna 2015, asi nekuda kwekusagadzikana kwakanga kwakaita zvinhu mubato reZanu PF, vakamanikidzwa kumborisendeka parutivi.
Bazi rezvekuburitswa kwemashoko rakaburitsa mashoko padandemutande reTwitter ekuti VaMnangagwa vakanga vave kudzokera kubasa kuti vabatsirane nemutevedzeri vavo mukugadzirisa zvinhu muboka rezvehutano izvo zvaita manyama amire nerongo.
Vanachiremba vadiki vari pakuramwa mabasa vari pasi pesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association vanoti havasi kuzotambira kurudziro yehurumende yekuti vamire kuramwa mabasa vadzokere kumabasa zvichemo zvavo zvichigadziriswa.
Vamwe vechidiki vanoti gore ra2018 range rakavawomera zvikuru vakawanda vavo vachiti havawone mamiriro ezvinhu munyika achinyanya kushanduka mugore rinouya zvisinei netariro yeshanduko yavakange vaita zvichitevera kuchinja kwehutungamiri hwenyika.
Vanoti vachaedzawo nepose pavanogona kuita zvavanosiita kana vari kumusha panguva ino, zvekunwa nekudya vachifara vari pamwe chete, vachimirira kuzungunuka kwegore.
Vamwe vanachiremba vakapedza zvidzidzo zvavo vari kushoropodza danho rehurumende rekubvisa vanachiremba vachangopedza zvidzidzo kana kuti junior doctors pasi pebazi rezvehutano vachiiswa kubazi rezvedzidzo yepamusoro.
Mutungamiri wesangano iri, VaPeter Mutasa vanoti vachatora matanho aya mushure mekurovana masoro kwakaita masangano ose anomirira vashandi ari pasi peZCTU, vachiti kuomerwa kwavaitwa nehupenyu ndiko kuri kuvatuma.
Vamwe vemakereke vaedzerwa vari kumachechi kwavo vachinamata pamwe nekucherechedza kuberekwa kwaJesu Kristu, senzira yekupemberera Kisimusi.
Hurumende, kuburikidza neboka reHealth Services Board, yambomisa mabasa vanachiremba pamwe nevanoongorora mifananidzo yemitezo yema X-ray vanodarika mazana mashanu vari pakuramwa mabasa ichivapomera mhosva yekuzvidza mutongo wakaturwa nedare reLabour Court neMugovera.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vasangana nevakwegura mazana manomwe vanobva muHarare neChitungwiza pamabiko ekupemberera zororo reKisimusi pamwe nekutendawo Musiki aitirwa mumusha weHighfield muHarare.
Bato reZanu PF rakabuda nehurongwa hwekukwezva vari kunze kwenyika kuitira kuti vadzoke kumusha kuzobatsira mukusimudzira nyika.
Rodhai zvimwe