Accessibility links

Breaking News

ZimRights Yobatsira Mhuri Dziri Kudzingwa neHurumende muNzvimbo yeSikato kuMasvingo


Dzimwe dzemhuri dziri kubviswa munzvimbo yeSikato kuMasvingo.
Dzimwe dzemhuri dziri kubviswa munzvimbo yeSikato kuMasvingo.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimRights, rinoti riri mushishi kuedza kubatsira mhuri dzinodarika chiuru dzigere pane imwe nzvimbo kuMasvingo, idzo dzakanzi nehurumende dzibve munzvimbo iyi.

Mhuri idzi, idzo dziri munzvimbo yeSikato pedyo nemasvingo eGreat Zimbabwe pasi pashe Mugabe, dzinonzi dzakapihwa mazuva manomwe ekuti dzibve mupurazi madziri kugara, iro raiva remurungu radzakatora munguva yehondo yeminda.

Asi hurumende inoti vanhu ava vakatora minda iyi zvisiri pamutemo.

Mukuru weZimRights, VaOkay Machisa vanoti chavari kuita pari zvino kunzwa divi remhuri idzi, vaine shuviro yekuti hurumende igare navo pasi vobuda nechinhu chinobatsira vagari ava, vamwe vavo vanoti vakagara munzvimbo iyi kubva pawana nyika kuzvitonga muna 1980.

VaMachisa vanoti mhuri idzi dzanga dzatove nezvirimwa zvakura, uye vana vari kuenda zvikoro, pamusoro pezvo ino inguva yekunaya, vachiti hurumende inofanirwa kukoshesa zvose izvi isati yamanikidza vanhu ava kubva munzvimbo iyi.

Vanoti kana hurumende yakazoenderera mberi nekuvabvisa, inofanirwa kuvaisawo munzvimbo inovapa chiremerera chavanga vave nacho vari kuSikato.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG