Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoronga Kukwezva Vanhu Vari Kunze kweNyika


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvichisangana naVaEmmerson Mnangagwa.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvichisangana naVaEmmerson Mnangagwa.

Bato reZanu PF rakabuda nehurongwa hwekukwezva vari kunze kwenyika kuitira kuti vadzoke kumusha kuzobatsira mukusimudzira nyika.

Izvi zvinonzi zvakawiriranwa kumusangano webato iri wakaitirwa kuEsigodini kuMatabeleland South mukupera kwesvondo.

Sachigaro veZanu PF mutsva wedunhu reUK neEuropean Union, VaMarshall Gore, vanoti bato ravo richishanda nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika pamwe nekutengeserana rakabuda nehurongwa hwekuti pavhurwe mahofisi anoona nezvezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kumizinda iri kuAmerica, kuBritain nekuSouth Africa, kuitira kurerutsira vari kunze ava kuti zvivaitire nyore pakudyidzana kwavo nehurumende.

VaGore vanotiwo bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika richaongorora zvakare mutemo unobata vari kunze kwenyika, we diaspora policy, kuitira kuti zvichemo zvevana veZimbabwe vari kunze kwenyika zvitorerwe matanho nehurumende.

Zvizvarwa zvenyika zvakawanda zviri kunze kwenyika zvinoti zvinoda kwazvo kushanda pamwe chete nehurumende kumusha, asi iyo hurumende inofanirwawo kucherechedza nekuremekedza kodzero dzavo kuburikidza nekutambira zvichemo zvavo zvinosanganisira kuvhota.

Hurukuro naVaMarshall Gore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG