Accessibility links

Breaking News

Vezvitendero Vocherechedza Zuva reKisimusi


Vatendi veCatholic Church nemamwe makereke vacherehcedza zuva reKisimusi.
Vatendi veCatholic Church nemamwe makereke vacherehcedza zuva reKisimusi.

Vamwe vemakereke vaedzerwa vari kumachechi kwavo vachinamata pamwe nekucherechedza kuberekwa kwaJesu Kristu, senzira yekupemberera Kisimusi.

Mumwe wevaedzerwa vachipemberera kusvika kweKisimusi ndiFather William Guri vekereke yeCatholic, avo vaedzerwa vaine vamwe vavanobata navo pakereke ye Saint Charles Ruwanga kuMarongwe, mudunhu reChiweshe kuMashonaland Central.

Father Guri, avo vari kuita zvidzidzo zvavo zvepamusoro soro kuAmerica asi vari kumusha pari zvino, vanoti usiku uhwu vabhabhatidza vana vanosvika makumi maviri nevana.

Vanoti mushure mezvo vazobatanawo nemhuri yavo muguta reHarare, umo vazopedza zuva vari vachitandadzana nevamwe.

Hurukuro naFather William Guri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG