Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba Vari Pakuramwa Mabasa Vanoramba Kudzokera kuMabasa


Gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo vachitaura navanachiremba vari kuramwa mabasa.
Gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo vachitaura navanachiremba vari kuramwa mabasa.

Vanachiremba vadiki vari pakuramwa mabasa vari pasi pesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association vanoti havasi kuzotambira kurudziro yehurumende yekuti vamire kuramwa mabasa vadzokere kumabasa zvichemo zvavo zvichigadziriswa.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa neSvondo pakati pevamiriri veHealth Services Board nehutungamiri hwerimwe sangano rinomirira vanachiremba, reZimbabwe Medical Association, ZIMA, apo pakasungwa kuti vanachiremba vari kuramwa mabasa ava vadzokere kumabasa.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Mthabisi Bhebhe vanoti vanachiremba ava vasunga kuti vanozodzokera chete kumabasa kana zvinyunyuto zvavo zvinosanganisira kuwaniswa kwemishonga pamwe negadziriswa kwemichina yavanoshandisa muzvipatara zvazadziswa.

Vanotiwo vanachiremba vari kuramwa mabasa ava havanawo mari dzekuti vakwanise kuenda kumabasa kwacho.

Doctor Bhebhe vanoti ivo vane sangano ravo rakazvimirira risineyi nemusangano wakaitwa pakati peboka rezvehutano nerimwe sangano ravana chiremba reZIma uyu.

Vanoti sangano ravo rezimbabwe Hospital Doctors Association riri kutarisirawo kusangana neHealth Services Board neMuvhuro uno, mushure mezvo ndipo pavanozobuda nechisungo chekutora.

Vanachiremba nevamwe vashandi vemuzvipatara zvehurumende vapinda muzuva rechimakumi matatu nerimwe vachiramwa mabasa, izvo zvaita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo muzvipatara zvehurumende.

Hurumende svondo rapera yakazivisa kuti yambomisa vashandi ava mabasa ichiti kuramwa mabasa uku kwive kunze kwemutemo.

Mukupera kwesvondo bazi rezvehutano rakazozivisa kuti rakanga rave kutumira vanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo muzvipatara kuti vatsive vanachiremba vari kuramwa mabasa ava, uye kuti vanachiremba vachangopedza zvidzidzo ava vanenge vave pasi pebazi rezvedzidzo yepamusorosoro, vachidzidzira basa, kana kuti interns.

Asi zvinonzi vanachiremba ava vakarambawo kutambira hurongwa uhwu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG