Hurumende, kuburikidza neboka reHealth Services Board, yambomisa mabasa vanachiremba pamwe nevanoongorora mifananidzo yemitezo yema X-ray vanodarika mazana mashanu vari pakuramwa mabasa ichivapomera mhosva yekuzvidza mutongo wakaturwa nedare reLabour Court neMugovera.
Tsamba yakanyorwa neSvondo neboka rinoona nezvehutano iri ichiendeswa kune vashandi ava iri kuvazivisa kuti vari kumiswa basa kwemazuva gumi nemana kubvira pavanotambira tsamba iyi.
Dare rakapa mutongo waiti kuramwa mabasa uku kuri kunze kwemutemo uye mutongo uyu waikurudzira kuti vanachiremba ava pamwe nevamwe vashandi vemuzvipatara vari pakuramwa mabasa vadzoke kumabasa mukati memaawa gumi nemaviri.
Mutongo uyu wakapawo Health Services Board masimba ekutora matanho kune vose vashandi vakaramwa mabasa, uye kuti bhodhi iri hari manikidzwi kubhadhara vashandi vakaramwa mabasa ava pavakanga vasiri pamabasa.
Mutauriri wesangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Prince Butau, vatenda kuti ichokwadi kuti vanachiremba vanodarika mazana mashanu vari pakuramwa mabasa vapihwa matsamba ekuvamisa mabasa aya neHealth Services Board.
Asi Doctor Butau vanoti danho ratorwa nehurumende iri rinodzosera kumashure zvakanyanya nhaurirano dzavanga vachiita dzekuedza kugadzirisa matambudziko avanachiremba pamwe nemuzvipatara.
Vanachiremba ava, avo vakatanga kuramwa mabasa musi wa 1 Zvita, vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kunyangwe dare revashandi nevashandirwi rakatonga kuti vadzokere kumabasa
Hurumende yakadoma mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga kuti vatungamire nhauriraro pakati pehurumende navanachiremba ava, asi zvinonzi kusvika pari zvino VaChiwenga havasati vasangana nevashandi ava.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuhealth Services Board pamusoro penyaya iyi.
Facebook Forum