Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump neChitatu vakabuda mumusangano wekuzeya dambudziko rekuvharwa kwemamwe mapazi ehurumende, uyo vaiita nemukokeri wenhengo dzebato reDemocratic Party mudare reseneti, VaChuck Schumer pamwe nemutauriri webato iri muparamende, Amai Nancy Pelosi.
Mushure mekubuda mumusangano uyu, VaTrump vakaisa mashoko padandemutande reTwitter vachiti kwaive kutambisa nguva yavo kupinda kwavakaita mumusangano uyu.
VaTrump vakati vakanga vabvunza vatungamiri vebato rinopikisa ava kuti vaizoita sei mukati memazuva makumi matatu kana ivo VaTrump vakasunungura zvinhu, vaizovawanisa here mari yekuvaka mudhuri yavari kuda.
Asi vakati Amai Pelosi vakati kwete hapana chavaizoita chine chekuita nemudhuri uyu.
Mamwe mapazi ehurumende yeAmerica apinda muzuva rechi gumi nepfumbamwe akavharwa, uye vashandi vehurumende vasiri kutambiriswa mihoro yavo nekuda kwemakakatanwa akonzerwa nenyaya yemudhuri kumuganhu wenyika yavo neMexico.
Sachigaro veMDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe mudunhu reAmerica, VaDen Moyo vanoti zvakaitwa naVaTrump izvi zvinhu zvinoshoresa zvikuru kumukuru wenyika.
Vanoti VaTrump munhu anogara achizvitutumadza achiti anogona kuita nhaurirano achibudirira, asi apa vakaratidza kuti muromo hauzarirwe nerwizi.
VaMoyo vanotiwo kukundikana kwehurumende yeAmerica kubhadhara vashandi chinhu chakaipa sezvi zvichizoteedzerwawo nehurumende diki dzakaita seZimbabwe dziri kunetseka kubhadhara vashandi vadzo.
Facebook Forum