Accessibility links

Breaking News

Delta Corporation Inoti Yasendeka Hurongwa Hwekutengesa Zvigadzirwa Zvayo neMari Yekunze Chete


Zvimwe zvezvigadzirwa zveDelta Corporation zvinosanganisira doro nezvinwiwa zvisingadhake.
Zvimwe zvezvigadzirwa zveDelta Corporation zvinosanganisira doro nezvinwiwa zvisingadhake.

Kambani inogadzira zvinwiwa, yeDelta Corporation nemusi weChina usiku yakashandura chisungo chayanga yaita chekutengesa zvigadzirwa zvayo nemari yekunze kutanga neChisanhu 04 Ndira 2019.

Izvi zvinotevera musangano wechimbichimbi wakaitwa nezuro manheru pakati pevamiriri vekambani iyi nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, vaConstantino Chiwenga pamwe nagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Mushure memusangano uyu, mukuru wekambani iyi VaPearson Gowero pamwechete naVaMangudya vakaburitsa gwaro rekuzivisa kuti Delta yakanga yaturura mashoko ayo ekuti yakanga yave kuzotengesa zvinhu zvayo nemari yekunze.

Delta Corporation yakanga yazivisa kuti yamanikidzwa kutora danho rekutengesa nemari yekunze nekuda kwekushaiwa mari yekunze yainonda mukugadzira zvinwiwa zvisingadhaki pamwe nedoro.

Kambani iyi yakati inoda mari yekunze inoita mamiriyoni maviri emadhora ekuAmerica pamwedzi yekutenga zvainoshandisa mukugadzira mabhodhoro epurasitiki nezvimwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise Sande, vanoti danho iri harina zvikuru zvarinobatsira sezvo zvaitwa apa kuri kudzimura moto chete, kwete kugadzirisa chaita kuti moto ubake.

Vanoti hazvibatsire kuti hurumende ingopa mari yekunze kune kambani inenge yanyunyuta kana kutyisidzira kuti yave kuvhara, asi ichinyima vanachiremba nevamwe vashandi vayo vari kuramwa mabasa vachida kubhadharwa nemari yekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG