Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vechidiki Vochema Kuti 2018 Akanga Akavaomera Zvikuru


Vamwe vechidiki.
Vamwe vechidiki.

Vamwe vechidiki vanoti gore ra2018 range rakavawomera zvikuru vakawanda vavo vachiti havawone mamiriro ezvinhu munyika achinyanya kushanduka mugore rinouya zvisinei netariro yeshanduko yavakange vaita zvichitevera kuchinja kwehutungamiri hwenyika.

Sachigaro weYoung Women’s Forum mudunhu reMidlands musangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe, Muzvare Lorraine Zinyemba, vanoti gore ra2018 range rakaomera vanhukadzi kunyanya kusanganisira vechidiki nekuda kwekusagadzikana kwezvehupfumi.

Muzvare Zinyemba vanoti vanoshushikanawo nenyaya yekuuraiwa kwevamwe vanhukadzi vechidiki mumhirizhonga yemudzimba, vachiti vanotarisira kuti hurumende ichashanda zvakasimba nemasangano akazvimirira ega mukugadzirisa dambudziko iri.

Mudzimai wechidiki anoshanda nesangano reHands of Hope, Muzvare Tinaye Nhutsve, vanotsinhirawo kuti gore rapfuura range rakawomera vechidiki uye vanokurudzira hurumende kuti ibatsire vadzidzi vechikadzi vanotambura kuti vakwanise kuenderera mberi nechikoro vachiti izvi zvinobatsira kuti kuinzana kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume kuvepo.

Muzvare Natasha Karimakwenda musikana wechidiki akakwikwidza akazvimiirira achida kuve kanzura muguta reBulawayo asi akakundikana pasarudzo dzakakaitwa munyika muna Chikunguru.

Muzvare Karimakwenda vanoti zvakakosha kuti vatungamiri vehurumende kusanganisira makurukota vanofanirwa kutsvaga pfungwa dzevechidiki pane zvinhu zvakasiyana siyana sezvo vechidiki vari ivo vakawanda munyika.

Mutauriri wevechidiki muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaBrian Dube, vanoti gore ra2018 range rakaomera vechidiki kunyanya nekuda kwekusavepo kweshanduko yainge ichitarisirwa nevakawanda mushure mesarudzo.

Vanoti havawone zvinhu zvichichinja mugore ra2019.

Mutauriri weZAPU variwo mukuru wevechidiki mudunhu reBulawayo, VaIphithule Maphosa, vanoti matambudziko ange akatarisana nenyika mugore ra2018 akakonzerwa nekutadza kutungamira nyika zvakanaka kwebato reZanu PF kwemakore akawanda kubvira pakawana nyika kuzvitonga.

VaMaphosa vanoti zvinhu munyika zvingashanduka chete kana mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakasiya hwavanoti humbimbindoga.

Asi mumwe wechidiki akangozvidoma nezita rekuti Claire uyo anoti mutsigiri webato reZanu PF, anoti kunyange hazvo zvinhu zvange zvakawoma mugore ra2018, ane chokwadi chekuti VaMnangagwa vane chido chekugadzirisa matambudziko ari munyika.

Mudzidzisi wezvekutongwa kwematunhu nebudiriro paMidlands State University uye muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira, VaVincent Chakunda, vanoti vanobvumirana nemaonero ekuti makakatanwa pakati pemapato maviri eZanu PF neMDC ndiwo ari kukuchidzira matambudziko emunyika vachiti zvakakosha kuti munyika muve nenhaurirano kuti matambudziko akatarisana neveruzhinji agadziriswe.

Zvisineyi nematambudziko anga akatarisana nevechidiki muna 2018, vechidiki vakawanda vanoti vanotarisira kuti hupenyu hwavo huve nani mugore ra 2019.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG