Accessibility links

Breaking News

Sangano reZLHR Rinoshoropodza Kushungurudzwa kweVagari neMauto neMapurisa


Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu vashungurudzwa usiku kuMabvuku neChitungwiza.
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu vashungurudzwa usiku kuMabvuku neChitungwiza.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti riri kushushikana zvikuru nemashoko ari kubva kumisha yeveruzhinji yeMabvuku neChitungwiza, ekuti mapurisa nemauto vari kushungurudza vagari.

Sangano iri rinoti mapurisa nemauto vakapfeka nhumbi dzebasa ravo vanga vachipinda mudzimba nechisimba kuburikidza nekupwanya mahwindo nemagonhi, umo vanga vachingorova vagari pamwe nekuvaburitsa mudzimba dzavo.

Mugwaro raraburitsa kuvatori venhau, sangano iri rinoti vagari vanga vachimutswa mambakwedza vachirohwa pamwe nekushungurudzwa, uye kumanikidzwa kubvisa matombo nezvimwe zvanga zvakavhariswa migwagwa nevanhu vakaratidzira neMuvhuro.

ZLHR inoti zviri pachena kuti mapurisa ari kukundikana kuzadzisa chirevo chavo chekuti vanotanga vaferefeta nyaya vasati vasunga vanhu vanenge vachifungidzirwa kuti vane mhosva dzavakapara, sezvinosungirwa nemutemo weCriminal Procedure and Evidence Act.

Sangano iri rinoti chikamu 50 (1) (a) chebumbiro remitemo chinoti ani nani zvake anenge asungwa anofanirwa kuziviswa zvikonzero zvaita kuti asungwe, uye kuti vanofungidzirwa kuti vane mhosva vose vanofanirwa kubatwa zvine hunhu sezviri muchikamu 50 (1) (c) chebumbiro remitemo.

Sangano remagweta iri rinotiwo chinoshusha ndechekuti kupindira kwemauto muzviitiko zviri kunze kwemutemo izvi zvekushungurudza pamwe nekuzvidza vagari kutyora chikamu 53 chebumbiro remitemo yenyika.

Sangano reZLHR iri rinoti riri kuyambira mapurisa nemauto kuti magweta haasi kuzotya kukwira kumatare edzimhosva kusungisa vose vane chekuita nekushungurudzwa kwevanhu uku.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG