Sangano rinorwira kuendeswa kwemikana mune zveupfumi kune vechidiki, reYouth Affirmative Action Assembly of Zimbabwe, rakaparurwa patsva neChipiri muHarare, riine chinangwa chekusimudzira vechidiki mune zveupfumi.
Mutungamiri wesangano iri, uye vari nhengo yevechidiki vebato reZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti sangano iri vakariumba muna 2015, asi nekuda kwekusagadzikana kwakanga kwakaita zvinhu mubato reZanu PF, vakamanikidzwa kumborisendeka parutivi.
Vanoti sangano ravo iri rinotambira mwana weZimbabwe wese zvisineyi nezvekuti anobva kubato ripi rezvematongerwo enyika.
VaTsenengamu vanoti chikuru chavachasvitsa kuhurumende ndechekuti ipe vechidiki mabasa akaita sekuchengetedza zvivakwa zvayo, kutsvaira mumahofisi ehurumende, pamwe nemamwe mabasa ehurumende anokwanisa kupiwa kumakambani ekunze.
Facebook Forum