WASHINGTON D.C. —
Chizvarwa cheZimbabwe chiri muno muno muAmerica mudunhu reWest Virginia, VaJonah Masiya, vanoti vanoshuvira kuti dai vanga vari kumusha nehama neshamwari dzavo panguva ino yekupinda mugoredzva.
VaMasiya, avo vari muno nemhuri yavo inoti mudzimai nevanakomana vaviri, vanoti nekuda kwekuti vakundikana kunge vari kumusha, vachaedza kuunganawo nevamwe vana veZimbabwe vari muno muAmerica manheru.
Vanoti vachaedzawo nepose pavanogona kuita zvavanosiita kana vari kumusha panguva ino, zvekunwa nekudya vachifara vari pamwe chete, vachimirira kuzungunuka kwegore.
Facebook Forum